Shona

3 John

1

1Mukuru, kuna Gayo unodikamwa zvikuru, wandinoda ini nechokwadi.2Mudiwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire, uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.3Nekuti ndakafara zvikuru hama padzakasvika dzichipupurira chokwadi chiri mauri kunyange sezvawakafamba muchokwadi.4Handina mufaro unopfuura kunzwa kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.5Mudiwa, unoita nokutendeka zvose zvaunoita kuhama nekuvaeni;6vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; ivo kana ukavaperekedza nomutowo wakafanira Mwari uchaita zvakanaka.7Nekuti nekuda kweZita rake vakabuda, vasingatori chinhu kuvahedheni.8Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.9Ndakanyorera kereke; asi Dhiotirefe, unoda kuva wepamberi pakati pavo, haatigamuchiri.10Naizvozvo kana ndichiuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, achitiitira makuhwa namashoko akaipa; uye asingagutsikani naizvozvo, kana iye amene haagamuchiri hama, uye unovadzivisa avo vanoda nokuvadzinga mukereke.11Mudiwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndewaMwari; asi unoita zvakaipa, haana kuona Mwari.12Dhemetirio unopupurirwa zvakanaka navose, uye nechokwadi chomene; nesuwo tinopupura, nemwi munoziva kuti kupupura kwedu ndokwechokwadi.13Ndakanga ndine zvinhu zvizhinji zvekunyora, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;14asi ndinovimba ndichakurumidza kukuona, tigotaurirana pazviso. Rugare kwauri. Hama dzinokukwazisa. Kwazisa hama nemazita.