1Judha, muranda waJesu Kristu, munin'ina waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene naMwari Baba, vakachengetedzwa muna Jesu Kristu, vakadamwa:2Tsitsi kwamuri, nerugare, nerudo, ngazvipamhidzirwe.3Vadiwa, ndakati ndichipa kushingaira kose pakunyorerai zvekuponeswa kwedu kumwe chete, zvakanga zvakandifanira chose kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire nemoyo wose rutendo rwakambopiwa vatsvene kamwe.4Nekuti kuna vamwe varume vakapinda nokunyangira, vakagara vagadzirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu kuita unzenza, vachiramba Tenzi uyu mumwe woga Mwari, naIshe wedu Jesu Kristu.5Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maimboziva izvi, kuti Ishe amborwira vanhu munyika yeEgipita, pashure akazoparadza avo vakanga vasingatendi.6Navatumwa vasina kuchengeta ukuru hwokutanga, asi vakasiya ugaro hwavo hwomene, wakavachengeta muzvisungo zvekusingaperi pasi perima kusvikira pakutongwa kwezuva guru;7seSodhoma neGomora, namaguta akaapoteredza, akazvikumikidza kuupombwe nenzira yakafanana nawo nokutevera imwe nyama, akaitwa mufananidzo, akatambudzika pakurangwa nomoto usingaperi.8Nenzira imwe chete iyoyo ava vachirota vanosvibisa nyama yavo, vachiramba vukuru, nokutuka ukuru.9Asi Mikaeri mutumwa mukuru nguva yaakarwa nadhiabhorosi, akakakavara pamusoro pomuviri waMozisi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakutsiure.10Asi ava vanotuka zvose zvavasingazivi; asi izvo zvavanoziva pachizvarigo vakaita semhuka dzisingazivi, vanozviparadza muzvimhu izvozvo.11Vachaona nhamo! Nekuti vakafamba nenzira yaKaini, vakazviwisira mukutsauka kwaBharami nekuda kwemubairo, vakaparadzwa nenharo dzaKora.12Ava mabwe akavanzika pamafundo enyu erudo, kana vachipemberera nemwi, vachizvifunda vasina kutya; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi;13mafungu egungwa anopengereka, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinongombeya, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi.14NaEnokiwo wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofita zvaivava, achiti: Tarira, Ishe wakauya navatsvene vake zvuru zvamazana,15kuti atonge pamusoro pavose, nokupa mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada Mwari, nepamusoro pemashoko avo ose makukutu aakataurirwa nevatadzi vasingadi Mwari.16Ava van'un'uni, vagunun'uni, vanofamba nokuchiva kwavo; uye miromo yavo inotaura zvekuzvikudza, vachichiva vanhu nekuda kwemubairo.17Asi imwi vadiwa, rangarirai mashoko akagara ataurwa navaapositori vaIshe wedu Jesu Kristu;18kuti vakakuvudzai kuti nenguva yekupedzisira vaseki vachavako, vachafamba nokuchiva kwavo kwekusada Mwari.19Ndivo vanozviparadzanisa, ndevenyama, vasina Mweya.20Asi imwi vadiwa, muchizvivaka parutendo rwenyu rwutsvene tsvene, muchinyengetera muMweya Mutsvene,21muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarisira tsitsi dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kusvikira kuupenyu hwusingaperi.22Ivai netsitsi navamwe muchipa mutsauko,23asi vamwe muvaponese nokutya, muchivabvuta pamoto; muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama.24Zvino kuna iye unogona kukuchengetai pakugumburwa, nokukuteyai musina chamungapomerwa pamberi pokubwinya kwake nomufaro mukuru,25kuna Mwari Muponesi wedu mumwe chete wakachenjera, ngakuve nokubwinya, neumambo, nesimba, neushe, zvose ikozvino nokusingaperi. Ameni.