Shona

Revelation

1

1Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitika, akazvituma nemutumwa wake, ndokuratidza muranda wake Johwani,2wakapupura shoko raMwari, neuchapupu hwaJesu Kristu, nezvinhu zvose zvaakaona.3Wakaropafadzwa uyo unoverenga, neavo vanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvinhu izvo zvakanyorwa mazviri, nekuti nguva yava pedo.4Johwani; kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha kwamuri, nerugare zvinobva kuna iye uripo, uye wakange aripo, neuchazouya; nekumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;5nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe revakafa, mutungamiriri wemadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;6akatiita madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.7Tarira, unouya pamwe nemakore, uye ziso rose richamuona, naivo vakamubaya; nemarudzi ose enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.8Ini ndini Arifa naOmega, kutanga nekuguma, ndizvo zvinoreva Ishe, uripo, wakange aripo, neuchazouya, Wemasimbaose.9Ini Johwani ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika, nemuushe, nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi nekuda kweshoko raMwari nekweuchapupu hwaJesu Kristu.10Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, serinenge rehwamanda,11richiti: Ndini Arifa naOmega kutanga nekupedzisira; nekuti: Zvaunoona, nyora mubhuku utumire kukereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, nepaSimina, nepaPegamo, nepaTiatira, nepaSadhisi, nepaFiradhefia, nepaRaodhikia.12Ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Zvino ndatendeuka ndakaona zvigadziko zvemwenje zvendarama zvinomwe;13nepakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire rendarama.14Musoro wake nemavhudzi zvakanga zvakachena semakushe amakwai, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;15uye tsoka dzake dzakafanana nendarira inopenya, sedzinenge dzakapiswa muvira; neinzwi rake senzwi remvura zhinji.16Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.17Zvino ndakati ndichimuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; akaisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu achiti kwandiri: Usatya, ndini wekutanga newekupedzisira.18naiye mupenyu; uye ndakange ndakafa, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.19Nyora zvinhu zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kwaizvozvi.20Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.