Shona

Revelation

2

1Kumutumwa wekereke iri paEfeso, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:2Ndinoziva mabasa ako, nekushingaira kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haumirisani nevakaipa; uye wakavaidza ivo vanoti tiri vaapositori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari varevi venhema,3ukatsungirira, uye ukava nemoyo murefu, zvekare nekuda kwezita rangu, wakashingaira ukasaneta.4Asi ndine pandinopokana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.5Naizvozvo rangarira pawakawa, uye utendeuke ugoita mabasa ekutanga; kana zvikasadaro ndichauya kwauri nekukurumidza, ndigobvisa chigadziko chako chemwenje panzvimbo yacho, kunze kwekuti watendeuka.6Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga iniwo.7Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; kuna iye unokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu, uri pakati peParadhiso yaMwari.8Nekumutumwa wekereke iri paSimina, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura wekutanga newekupedzisira, wakange akafa uye mupenyu:9Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekunyomba kwaivo vanoti vaJudha, izvo vasiri, asi vari sinagoge raSatani,10usatya zvinhu izvo zvauchatambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yeupenyu.11Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda haangakuvadzwi nerufu rwechipiri.12Uye kumutumwa wekereke iri paPegamo nyora uti: Zvinhu izvi, unotaura iye une munondo unopinza, unocheka mativi maviri:13Ndinoziva mabasa ako, uye paunogara ndipo pane chigaro cheushe chaSatani, asi wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange nepamazuva aAntipasi chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani;14asi ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, nekuti unavo ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo nekuita upombwe.15Nekudaro newe unavo vanobatisisa dzidziso yevaNikoraiti, chinova chinhu chandinovenga.16Tendeuka; kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.17Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichapa kwaari kuti adye mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risingazikamwi nemunhu, asi naiye unorigamuchira.18Uye nekumutumwa wekereke iri paTiatira, nyora uti: Zvinhu izvi unoreva Mwanakomana waMwari, une meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira inopenya;19Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.20Asi zvakadaro ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, kuti unotendera mukadzi uya Jezebheri, unozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe, nekudya zvakabayirwa zvifananidzo,21Ndakamupa nguva kuti atendeuke paufeve hwake akasatendeuka.22Tarira, ndichamukandira panhovo nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kunze kwekuti vatendeuka pamabasa avo.23Uye ndichauraya vana vake nerufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.24Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vakasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudziyi umwe mutoro.25Asi izvo zvamunazvo batisai kusvikira ndichiuya.26Uye unokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;27uye uchaatonga netsvimbo yedare, semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.28uye ndichamupa hweva.29Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.