Shona

Revelation

3

1Uye kumutumwa wekereke iri paSadhisi, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinotaura une mweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rinonzi unorarama, asi wakafa.2Rinda, usimbise zvinhu zvakasara, zvoda kufa; nekuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.3Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; ubatisise, utendeuke. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo pamusoro pako.4Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni vane nguvo chena, nekuti vakafanira.5Uyo unokunda ndiye uchapfekedzwa nguvo chena; uye handichadzimi zita rake pabhuku reupenyu, ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.6Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva mweya kukereke.7Nekumutumwa wekereke paFiradhefia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva iye mutsvene, iye wechokwadi, iye une kiyi yaDhavhidhi, iye unozarura pasina unopfiga, nekupfiga pasina unozarura:8Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, uye hakuna munhu ungagona kuupfiga, nekuti iwe une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.9Tarira ndichavaita vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavauyisa kuti vanamate pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ndakakuda.10Nekuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo panguva yekuidzwa kuchauya pamusoro penyika yose, kuidza vanogara panyika.11Tarira ndinouya nekukurumidza; batisisa icho chaunacho, kuti kusava neunogamuchira korona yako.12Uyo unokunda ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haangazobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.13Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.14Nekumutumwa wekereke yevaRaodhikia, nyora uti: Zvinhu izvi, ndizvo zvinoreva Ameni, chapupu chakatendeka chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:15Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti dai uchitonhora kana kupisa.16Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.17Nekuti unoti ndakafuma, ndakafumiswa uye handishaiwi chinhu, usingazivi kuti ndiwe unotambura neune nhamo, uri murombo nebofu newakashama.18Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama yakaidzwa mumoto, kuti uve wakafuma, nenguvo chena, kuti ufuke, nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.19Vose vandinoda ndinotsiura nekuranga; naizvozvo shingaira utendeuke.20Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana munhu achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda maari, uye ndicharayira naye, naiye neni.21Unokunda, ndichapa kwaari kugara neni pachigaro changu cheushe, seni ndakakunda ndikagara pamwe nababa vangu pachigaro chavo cheushe.22Une nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kukereke.