Shona

Revelation

4

1Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita seraiva rehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinhu zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.2Pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, neumwe agere pachigaro cheushe.3Iye wakange agere wakange akafanana nebwe rejasipisi* neresadhio*; kwakange kune murarabungu wakakomberedza chigaro cheushe, waitaridzika sebwe reemaradhi*.4Kwakange kune zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere vakapfeka nguvo chena; vakange vane korona dzendarama pamisoro yavo.5Nepachigaro cheushe pakabuda mheni, nekutinhira nemanzwi; nemwenje minomwe yemoto yakange ichipfuta pamberi pechigaro cheushe, iri Mweya minomwe yaMwari.6Pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro*; nepakati pechigaro cheushe, nepakapoteredza chigaro cheushe pakange pane zvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nemeso mberi neshure.7Uye chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso chemunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobururuka.8Nezvisikwa zvipenyu izvi chimwe nechimwe chakange chine mapapiro matanhatu azere nemeso kunhivi dzose nemukati; haazorori masikati neusiku, achiti: Mutsvene mutsvene mutsvene, iye Ishe Mwari, wemasimba ose, wakange aripo, uripo, neuchazouya.9Zvino kana zvisikwa zvipenyu izvi zvichimupa rukudzo nekubwinya nekuvongwa iye unogara pachigaro cheushe, iye uri mupenyu kusvikira rinhi narinhi.10Vakuru makumi maviri nevana vakazviwisira pasi pamberi paiye ugere pachigaro cheushe vakamushumira iye uri mupenyu kusvikira rinhi narinhi, vachikandira korona dzavo pamberi pechigaro cheushe, vachiti:11Imwi, makafanira, Ishe, Mwari wedu, kugamuchira kubwinya, nerukudzo, nesimba, nekuti ndimwi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvakasikwa nekuda kwenyu.