Shona

Revelation

5

1Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze kwaro, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.2Ipapo ndakaona mutumwa une simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku, nekusunungura micherechedzo yaro?3Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kutarira mariri.4Ini ndikachema zvikuru, nekuti hakuna kuwanikwa munhu wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku kana kutarira mariri.5Zvino mumwe wavakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba yerudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, kuti izarure bhuku nokusunungura micherechedzo yaro minomwe.6Zvino ndikaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe chezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire, rakaita serakabayiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari, yakatumwa kunyika yose.7Iro rikauya, rikatora bhuku muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe.8Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pasi pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa, nendiro dzendarama dzakange dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.9zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimwi makafanira kutora bhuku nekuzarura micherechedzo yaro; nekuti makabayiwa, mukatidzikunurira Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nekururimi, nekumunhu, nekurudzi rwose;10mukatiita kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.11Zvino ndakaona, ndikanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakange vakakomberedza chigaro cheushe nezvisikwa zvipenyu nevakuru; kuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana, nezvuru nezvuru,12vachiti nenzwi guru: Gwayana rakabayiwa rakafanira kugamuchira simba neufumi nenjere nechiremerera nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.13Nechisikwa choga choga chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri mugungwa nezvose zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba ngazvive kuna iye ugere pamusoro pechigaro cheushe, nekuGwayana kusvikira rinhi narinhi.14Ipapo zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Vakuru makumi maviri vakawira pasi, vakanamata iye unorarama nekusingaperi.