1Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chezvisimbiso, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi seremutinhiro: Uya uone.2Zvino ndikaona, tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva, wakange ane uta; uye korona ikapiwa kwaari, akabuda achikunda, uye kuti akunde.3Zvino wakati azarura mucherechedzo wechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.4Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; kukapiwa kwaari munondo mukuru.5Zvino wakati azarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza dema; wakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.6Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedhenari*, nezviyero zvitatu zvebhari* nedhenari; usatadzira mafuta newaini.7Wakati azarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.8Uye ndikaona, zvino tarira, bhiza rakachenuruka; newakange akaritasva zita rake raiva Rufu; uye Hadhesi rakamutevera. Simba rikapiwa kwaari pamusoro pechechina chenyika, kuti aauraye nemunondo, nenzara, nerufu, nezvikara zvenyika.9Zvino wakati azarura chisimbiso chechishanu, endikaona pasi pearitari mweya yaivo vakang vashinjwa nekuda kweshoko raMwari, uye neuchapupu hwavaiva nahwo;10Zvino vakadana nenzwi guru vachiti: Kusvikira rinhi Tenzi mutsvene wechokwadi, muchirega kutonga nekutsiva ropa redu pane vanogara panyika?11Zvino umwe neumwe wavo wakapiwa nguvo chena; zvikanzi kwavari vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe navo nehama dzavo, dzaifanira kuurawa saivo varinganiswa.12Zvino ndakaona paakange azarura mucherechedzo wechitanhatu, zvino tarira, kwakava nekudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba sesaga remvere, mwedzi ukaita seropa;13nenyeredzi dzedenga dzakawira pasi, kunyange semuonde unozuza masvosva awo, kana uchizuzwa nemututu mukuru.14Denga rikabva serugwaro rwakapetwa, kana rwuchipeterwa pamwe; negomo roga roga nechiwi zvakabviswa panzvimbo dzazvo.15Nemadzimambo enyika, nevanhu vakuru, navafumi, nevatungamiriri vehondo, navanhu vane simba, nenhapwa dzose, nevakasununguka vose vakandovanda mumapako nemumabwe emakomo;16vakati kumakomo nemabwe: Tiwirei, mutivige pachiso chaiye unogara pachigaro cheushe, nepakutsamwa kweGwayana;17Nekuti zuva guru rekutsamwa kwaro rasvika; zvino ndiani uchagona kumira?