1Uye shure kwezvinhu izvi ndakaona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamuti umwe neumwe.2Uye ndakaona umwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, ane mucherechedzo waMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakange vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,3achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa mucherechedzo varanda vaMwari pahuma.4Ndikanzwa uwandu hwaivo vakaiswa mucherechedzo; zvuru zana nemakumi mana nezvina, vakaiswa mucherechedzo vachibva kumarudzi ose evana vaIsraeri.5Verudzi rwaJudha vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri. Kurudzi rwaRubheni kwakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaGadi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;6Verudzi rwaAseri vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaNafutarimi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaManase vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;7verudzi rwaSimioni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaRevhi vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaIsakari vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri;8verudzi rwaZebhuroni vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaJosefa vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri; verudzi rwaBenjamini vakaiswa mucherechedzo zvuru gumi nezviviri.9Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru chisingagoni kuverengwa nemunhu, vakabva kundudzi dzose, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro cheushe, nepamberi peGwayana vakapfeka nguvo chena, nemichindwe mumaoko avo;10vakadanidzira nenzwi guru, vachiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro cheushe, nekuGwayana.11Zvino vatumwa vose vakamira vakakomba chigaro cheushe, nevakuru, nezvisikwa zvipenyu zvina, vakawa nezviso zvavo pamberi pechigaro cheushe, vakanamata Mwari,12vachiti: Ameni: Kurumbidzwa, nekubwinya, nenjere, nekuvonga, nerukudzo, nesimba, nechiremerera ngazvive kuna Mwari kusvikira rinhi narinhi. Ameni.13Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivana ani? Uye vakabvepi?14Ndikati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.15Naizvozvo vari pamberi pechigaro cheushe chaMwari, vanomushumira masikati neusiku mutembere yake; uye unogara pachigaro cheushe, uchavadzitira.16Havachazoziyizve kana kuzova nenyotazve; zuva haringavapenyeri kana kumwe kupisa;17Nekuti Gwayana riri pakati pechigaro cheushe richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvipenyu zvemvura; Mwari uchapusika misodzi yose kumeso avo.