Shona

Revelation

8

1Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yeora.2Ipapo ndakaona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; kukapiwa kwaari hwamanda nomwe.3Zvino mumwe mutumwa wakauya, akamira paaritari, ane mudziyo wezvinonhuhwira wendarama; kukapiwa kwaari zvinonhuhwira zvizhinji kuti azvipe pamwe neminyengetero yavatsvene vose pamusoro pearitari yendarama, yakange iri pamberi pechigaro cheushe.4Uye utsi hwezvinonhuhwira hwakakwira pamberi paMwari hwuchibva muruoko rwomutumwa pamwe neminyengetero yavatsvene.5Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuhwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kukavapo namanzwi nekutinhira nemheni nokudengenyeka kwenyika.6Ipapo vatumwa vanomwe vakange vane hwamanda nomwe vakazvigadzirira kuridza.7Mutumwa wekutanga wakaridza, kukauya chimvuramabwe nemoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; nechetatu chemiti chikatsva, neuswa unyoro hwose hwakapiswa.8Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe segomo guru rinopfuta nemoto chikakandwa mugungwa. chetatu chegungwa ndokuva ropa;9uye chetatu chezvisikwa zvakange zviri zvipenyu mugungwa chikafa, nechetatu chezvikepe chikaparadzwa.10Zvino mutumwa wechitatu wakaridza, kukawa nyeredzi huru kubva kudenga, ichipfuta semwenje, ikawira pamusoro pechetatu chenzizi nepamusoro pezvitubu zvemvura.11Zvino zita renyeredzi rakange richinzi, Gavakava; chetatu chemvura ndokuva gavakava, nevanhu vazhinji vakafa nemvura, nekuti yakange yavaviswa.12Zvino mutumwa wechina wakaridza, chetatu chezuva chikarohwa, nechetatu chemwedzi, nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chisvibiswe, uye kuti chetatu chemasikati chirege kuvhenekera, neusiku saizvozvo.13Zvino ndakatarira, ndikanzwa mutumwa achibhururuka nepakati pedenga, achiti nenzwi guru: Mune nhamo, Mune nhamo, Mune nhamo, vagari vepanyika, nekuda kwemamwe manzwi ehwamanda evatumwa vatatu vachazoridza!