Shona

Revelation

9

1Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikaona nyeredzi ichiwa kubva kudenga ichiwira pasi; ikapiwa kiyi yegomba risina chigadziko.2Zvino yakazarura gomba risina chigadziko, utsi ndokusimuka hwuchibuda mugomba, seutsi hwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa nekuda kweutsi hwegomba.3Muutsi mukabuda mhashu dzikauya panyika, dzikapiwa simba sezvinyavada zvenyika zvine simba.4Dzikaudzwa kuti dzirege kutadzira uswa hwenyika, nechinhu chipi zvacho chinyoro, kana miti upi, asi vanhu chete vasina mucherechedzo waMwari pahuma dzavo.5Uye kukapiwa kwadziri kuti dzisavauraya, asi kuti varwadziswe mwedzi mishanu; kurwadzisa kwadzo sekurwadzisa kwechinyavada kana chichiruma munhu.6Zvino namazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani, uye vachashuva kufa, asi rufu rwuchavatiza.7Zvekare zvimiro zvemhashu zvakaita semabhiza akagadzirirwa hondo; nepamisoro yadzo sepane zvimwe zvakaita sekorona dzakafanana nendarama, nezviso zvadzo sezviso zvevanhu.8Zvino dzakange dzine vhudzi sevhudzi revakadzi, nemeno adzo akange akaita seeshumba.9Zvino dzakange dzine zvidzitiro zvechifuva zvakaita sezvidzitiro zvechifuva zvematare; nekutinhira kwemapapiro adzo kwakaita sekutinhira kwengoro dzemabhiza mazhinji anomhanyira kuhondo.10Zvino dzakange dzine miswe yakaita seyezvinyavada, uye pakange pane umborera pamiswe yadzo nesimba rekukuvadza vanhu mwedzi mishanu.11Zvino dzakange dzina mambo pamusoro padzo, ari mutumwa wegomba risina chigadziko, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, asi nechiGiriki zita rake ndiAporioni.12Nhamo imwe yapfuura; tarira, nhamo dzimwe mbiri dzinotevera shure kwaizvozvi.13Zvino mutumwa wechitanhatu wakaridza, ndikanzwa inzwi richibva panyanga ina dzearitari yendarama iri pamberi paMwari,14richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufratesi.15Zvino vatumwa vana vakasunungurwa, vakange vakagadzirirwa awa nezuva, nemwedzi, negore, kuponda chetatu chevanhu.16Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwakange hwuri mazana maviri ezvuru zvezvuru; ndikanzwa uwandu hwavo.17Zvino saizvozvo ndakaona mabhiza muchiratidzo nevakange vakaatasva, vane zvidzitiro zvechifuva zvemoto, nezvehiasindo*, nezvesarufa*; nemisoro yemabhiza yakaita semisoro yeshumba; nemumiromo yawo makabuda moto neutsi nesarufa.18Nezvizvi zvitatu kwakaurawa chikamu chetatu chevanhu; nemoto uye neutsi uye nesarufa, zvakabuda mumiromo yawo.19Nekuti simba rawo riri mumiromo yawo, nemumiswe yawo; nekuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro; uye anokuvadza nayo.20Zvino vakasara vevanhu vasina kuurawa nematambudziko awa asi vakasatendeuka pamabasa emaoko avo, kuti varege kushumira madhimoni, nezvifananidzo zvendarama, nezvesirivheri, nezvendarira, nezvamabwe, nezvematanda, zvisingagoni kuona, kana kunzwa, kana kufamba;21uye havana kutendeuka paumhondi hwavo, kana pauroyi hwavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.