Shona

Revelation

10

1Zvino ndakaona mumwe mutumwa une simba achiburuka kubva kudenga, akapfekedzwa gore; nemurarabungu uri pamusoro wake, chiso chake chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzemoto;2uye wakange ane bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rwerudyi pamusoro pegungwa, nerweruboshwe pamusoro penyika;3zvino akadanidzira nenzwi guru seshumba inodzvova; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.4Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndakange ndododa kunyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nekutinhira kunomwe usanyora zvinhu izvi.5Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika, wakasimudzira ruoko rwake kudenga,6akapika naiye mupenyu kusvikira rinhi narinhi, wakasika denga nezvinhu zvirimo, nenyika nezvinhu zvirimo, negungwa nezvinhu zvirimo, kuti nguva haingazovipo.7Asi nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana woda kuridza, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake vaporofita.8Zvino inzwi randakanzwa richibva kudenga rakataura kwandirizve rikati: Enda utore bhuku duku rakazaruka riri muruoko rwemutumwa, umire pamusoro pegungwa nepamusoro penyika.9Ndikabva ndaenda kumutumwa, ndokuti kwaari: Ndipei bhuku duku. Akati kwandiri: Tora uridye; zvino richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira seuchi.10Zvino ndakatora bhuku duku muruoko rwemutumwa ndikaridya; rikava mumuromo mangu seuchi kutapira; asi ndakangoti ndaridya dumbu rangu rikavava.11Akati kwandiri: Unofanira kuporofitazve pamberi pevanhu nendudzi nendimi nemadzimambo.