1Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita semudonzvo; uye mutumwa wakamira achiti: Simuka uyere tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.2Asi ruvanze ruri kunze kwetembere usiye, uye usaruyera; nekuti rwakapiwa kuvechirudzi; vachatsikira guta dzvene pasi petsoka mwedzi makumi mana nemiviri.3zvekare ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu zvakapfeka masaga.4Ava ndiyo miti miviri yemiorivhi nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.5Kana kune unoda kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo mavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana munhu achishuva kuvakuvadza, unofanira kuurawa saizvozvi.6Ava vane simba rekupfiga denga kuti kusanaya nemazuva ekuporofita kwavo; uye vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ose kazhinji sezvavanoda.7Uye kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, chigovakunda nekuvauraya.8Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu pamuchinjikwa.9Zvekare vanobva kuvanhu nemarudzi nendimi nendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe muguva.10Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nekuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.11Zvino shure kwemazuva matatu nehafu mweya weupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vose vakavaona.12Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vakavaona.13Zvino nenguva iyoyo kudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo, chegumi cheguta ndokuwa, nevanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara vakavhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.14Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.15Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuvako kudenga, achiti: Ushe hwenyika ino hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye uchatonga kusvikira rinhi narinhi.16Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.17vachiti: Tinokupai kuvonga imwi, Ishe Mwari Wamasimbaose, uripo, wakange aripo, neuchauya; nekuti makazvitorera simba renyu guru, mukatonga.18Marudzi akatsamwa, nekutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vaduku nevakuru; uye yekuvaparadza avo vanoparadza nyika.19Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano mutembere yake; ndokuvapo mheni, nemanzwi, nekutinhira, nekudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.