1Zvino kudenga kwakaonekwa chishamiso chikuru ichi: Mukadzi, wakakapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;2iye wakange ane mimba akachema achirwadziwa pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.3Zvino kwakaonekwa chimwe chishamiso kudenga, Tarira, zibukanana ziguru zidzvuku rine misoro minomwe, nenyanga gumi nekorona nomwe pamisoro yaro.4Muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana rikamira pamberi pemukadzi wakange ozvara, kuti riparadze mwana wake kana angozvara.5Akazvara mwana wemukomana, waizotonga marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kumusoro kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.6Mukadzi akatizira murenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuriritira mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.7Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana rikarwa rine vatumwa varo;8vakasakunda, nenzvimbo yaro haina kuzowanikwa kudenga.9Zvino zibukanana ziguru rakakandirwa kunze, iya nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, inonyengera nyika yose; yakakandirwa panyika, nevatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe nayo.10Zvino ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, nesimba raKristu wake; nekuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.11Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, neshoko reuchapupu hwavo; uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.12Saka farai matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari vemunyika nevegungwa, nekuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri akatsamwa kwazvo, nekuti unoziva kuti uchine nguva duku.13Zvino zubukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika rikashusha mukadzi wakazvara murume.14Ipapo kumukadzi kukapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.15Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti amukonzere kuti akukurwe nerwizi.16Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa nezibukanana mumuromo maro.17Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.