Shona

Revelation

13

1Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa ndikaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi; nepamusoro penyanga dzacho, korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekunyomba.2Zvino chikara ichi chandakaona chakange chakaita sengwe; netsoka dzacho sedzebheya*, nemuromo wacho semuromo weshumba; zibukanana rikachipa simba raro, nechigaro charo cheushe, nesimba guru.3Zvino ndakazoona umwe wemisoro yacho wakange wakaita sowakakuvadzwa kusvikira parufu; asi vanga raifanira kuuraya rakange rapora; nyika yose ikashamisika ichitevera chikara.4Vakanamata zibukanana rakapa simba kuchikara; vakanamata chikara, vachiti: Ndiani wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kuita hondo nacho?5Zvino kukapiwa kwachiri muromo unotaura zvinhu zvikuru nekunyomba; kukapiwa kwachiri simba kuti chizviite mwedzi makumi mana nemiviri.6Ndokubva chashamisa muromo wacho kuti chinyombe Mwari, nekunyomba zita rake netende rake naivo vanogara kudenga.7Zvino kwakapiwa kwachiri kuti chiite hondo nevatsvene, nekuvakunda; simba rikapiwawo kwachiri pamusoro perudzi rwose nerurimi nerudzi.8Uye vose vanogara panyika vachachinamata, vane mazita asina kunyorwa mubhuku reupenyu reGwayana rakabayiwa kubva pakuvambwa kwenyika.9Kana munhu ane nzeve, ngaanzwe.10Kana munhu achitapa, unoenda muutapwa, unouraya nemunondo unofanira kuurawa nemunondo. Ndipo pane kutsungirira nerutendo rwevatsvene.11Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira chichibva panyika; uye chakange chine nyanga mbiri segwayana, chikataura sezibukanana.12Uye chakashandisa simba rose rechikara chekutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika nevagere mukati mayo kuti vanamate chikara chekutanga, chiya chine vanga rinouraya rakaporeswa.13Chinoita zvishamiso zvikuru, zvekuti chinoburusira moto kubva kudenga panyika pamberi pevanhu.14Zvino chinonyengera avo vanogara panyika nezvishamiso zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kune vanogara panyika kuti vaitire mufananaidzo chikara chakange chine vanga remunondo chikararama.15Chikapiwa simba kuti chipe mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vaurawe.16Chinokonzera vose, zvose vaduku nevakuru, vafumi nevarombo, vakasununguka nevakasungwa, kuti vapiwe mucherechedzo muruoko rwavo rwerudyi, kana pahuma dzavo,17uye kuti kusava neunogona kutenga kana kutengesa, kunze kwaiye une mucherechedzo, kana zita rechikara kana nhamba yezita racho.18Hehwuno uchenjeri. Unonzwisisa ngaaverenge nhamba yechikara; nekuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.