Shona

Revelation

14

1Zvino ndakaona, tarira, Gwayana rimire pagomo Ziyoni, rine zvuru zana nemakumi mana nevana, vane zita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.2Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga senzwi remvura zhinji, uye senzwi remutinhiro mukuru; ndikanzwa inzwi revaridzi veudimbwa vachiridza udimbwa hwavo.3Vakaimba sezvinonzi rwaiva rwiyo rutsva pamberi pechigaro cheushe, nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, nevakuru; uyo hakuna wakagona kudzidza rwiyo, asi zvuru zana nemakumi mana nevana, vakadzikinurwa panyika.4Ndivo vasina kusvibiswa nevakadzi; nekuti imhandara. Ndivo avo vanotevera Gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa kubva pakati pevanhu, zvibereko zvekutanga kuna Mwari nekuGwayana.5Mumuromo mavo hamuna kuwanikwa kunyengera, nekuti havana chavangapomerwa pamberi pechigaro cheushe chaMwari.6Zvino ndakaona umwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane evhangeri yekusingaperi, kuti aiparidzire avo vanogara panyika, nekurudzi rwose, nedzinza, nerurimi, nevanhu.7Achiti nenzwi guru: Ityai Mwari, mupe rumbidzo kwaari; nekuti nguva yekutonga kwake yasvika; uye namatai iye wakasika denga nenyika negungwa nezvitubu zvemvura.8Zvino umwe mutumwa wakatevera achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yekutsamwa koupombwe hwaro.9Zvino mutumwa wechitatu wakavatevera achiti nenzwi guru: Kana pane unonamata chikara nemufananidzo wacho, nekugamuchira mucherechedzo pahuma yake kana paruoko rwake.10ndiye uchamwa waini yekutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wekutsamwa kwake; uye ucharwadziswa nemoto nesarufa pamberi pevatumwa vatsvene, nepamberi peGwayana.11Zvino utsi hwokurwadziwa kwavo hwunokwira kusvikira rinhi narinhi; zvekare havana zororo masikati neusiku ivo vanonamata chikara nemufananidzo wacho, nani nani unogamuchira mucherechedzo wezita racho.12Hekuno kutsungirira kwevatsvene, hevano vanochengeta mirairo yaMwari nerutendo rwaJesu.13Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti kwandiri: Nyora, uti: Vakaropafadzwa vakafa, vanofira muna Ishe kubva ikozvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakushingaira kwavo, nemabasa avo anovatevera.14Zvino ndakaona, tarira, gore jena, nepamusoro pegore pakagara wakaita seMwanakomana wemunhu, ane korona yendarama pamusoro wake, neparuoko rwake jeko rinopinza.15Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere, achidanidzira nenzwi guru kuna iye wakange agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mukohwe; nekuti nguva yekuti mukohwe yasvika, nekuti kukohwa kwenyika kwaibva.16Ipapo wakange agere pamusoro pegore akakandira jeko rake panyika, nenyika ikakohwewa.17Zvino umwe mutumwa wakabuda mutembere iri kudenga, iyewo ane jeko rinopinza.18Neumwe mutumwa akabuda muaritari, wakange ane simba pamusoro pemoto, akadanidzira nenzwi guru kuna iye wakange ane jeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, muunganidze masumbu emuzambiringa wenyika, nekuti mazambiringa awo aibva.19Zvino mutumwa wakakandira jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa enyika, akakandira muchisviniro chewaini chikuru chekutsamwa kwaMwari.20Asi chisvinuro chewaini chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chewaini kusvikira rasvika pamatomu amabhiza, rikasvika mastadhia* churu mazana matanhatu.