1Zvino ndakavona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru uye chinoshamisa: Vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe ekupedzisira, nekuti kutsamwa kwaMwari kwakapedzeredzwa maari.2Ndikaona chakaita segungwa regirazi rakavhenganiswa nemoto, naivo vawana kukunda chikara nemufananidzo wacho, nemucherechedzo nenhamba* yezita racho vamire pamusoro pegungwa regirazi vane udimbwa hwaMwari.3Vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari, nerwiyo rweGwayana vachiti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Wemasimbaose; dzakarurama uye ndedzechokwadi nzira dzenyu, imwi Ishe wevatsvene.4Ndiani ungarega kukutyai, Ishe, nekukudza zita renyu? Nekuti ndimwi moga mutsvene; nekuti marudzi ose achauya achinamata pamberi penyu; nekuti zviito zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.5Zvino shure kweizvozvo ndakaona, zvino tarira, yakazarurwa tembere yetende reuchapupu mukudenga;6zvino kwakabuda mutembere vatumwa vanomwe vane matambudziko manomwe, vakafuka rineni yakachena inopenya, vakasungwa pazvifuva zvavo nemabhanhire endarama.7Uye chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzendarama dzizere nehasha dzaMwari, iye mupenyu kusvikira rinhi narinhi.8Tembere ikazadzwa neutsi hwunobva pakubwinya kwaMwari nepasimba rake; kukasava nemunhu wakagona kupinda mutembere, kusvikira matambudziko manomwe evatumwa vanomwe apera.