1Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai munodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.2Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; neronda rakaipa rinorwadza rikawira pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara nevakanamata mufananidzo wacho.3Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pamusoro pegungwa; rikava seropa rewakafa; mweya mupenyu woga woga ukafa mugungwa.4Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake pamusoro penzizi nezvitubu zvemvura ndokuva ropa.5Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama imwi Ishe, uripo newakange aripo neuchazovapo nekuti makatonga saizvozvi.6Nekuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye makavapa ropa kuti vamwe; nekuti vakafanira.7Zvino ndakanzwa umwe muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wamasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi kwakarurama.8Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, nesimba rakapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.9Zvino vanhu vakapiswa nekupisa kukuru, vakanyomba zita raMwari une simba pamusoro pematambudziko awa; vakasatendevuka kuti vamupe rukudzo.10Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuzadzwa nerima, vakatsenga marimi avo nekurwadzwa;11vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo nemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.12Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru, Yufratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.13Ipapo ndakaona mweya yetsvina mitatu sematafi ichibva mumuromo wezibukanana nemumuromo wechikara, nemumuromo wemuporofita wenhema;14Nekuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo inobudira kumadzimambo enyika nepanyika yose, kuvakokera kuhondo yezuva iro guru raMwari Wamasimbaose.15Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa uyo unorinda, achichengeta nguvo dzake kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.16Zvino wakavaunganidza panzvimbo inonzi nechiHebheru Hamagedhoni.17Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mumhepo, kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!18Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni; uye kukava nokudengenyika kwenyika kukuru kusina kumbovapo kubva kuvapo kwakaita vanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba kwakakura kudai.19Zvino guta guru rikakamurwa kuita zvikamu zvitatu, maguta emarudzi akawa; uye Bhabhironi guru rikarangarirwa pamberi paMwari, kuti ripiwe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.20Zvino chiwi choga choga chikatiza, nemakomo akasawanikwa.21Chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda*, chikawira pamusoro pevanhu chichibva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedamabudziko rechimvuramambwe, nekuti dambudziko racho raiva gurusa kwazvo.