1Zvino kwakauya umwe wevatumwa vanomwe, vakange vane ndiro nomwe akataura neni achiti kwandiri: Uya pano, ndicharatidza kwauri kutongwa kwemhombwe huru igere pamusoro pemvura zhinji;2madzimambo enyika akaita upomwe nayo, nevagari vepanyika vakadhakiswa newaini yeupombwe hwayo.3Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekunyomba, chine misoro minomwe nenyanga gumi.4Zvino mukadzi wakange akapfeka zvine ruvara rwehute nezvitsvuku, uye akashonga ndarama nemabwe anokosha nemaparera*, ane mukombe wendarama muruoko rwake uzere nezvinosemesa netsvina yeupombwe hwake.5Nepahuma yake pakange pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA.6Zvino ndakaona mukadzi akadhakwa neropa revatsvene, uye neropa rezvapupu zvaJesu; zvino ndakati ndamuona ndikashamisika nekushamisika kukuru.7Zvino mutumwa akati kwandiri: Washamisika nei? Ndichakuudza chakavanzika chemukadzi, nechechikara chinomutakura chine misoro minomwe nenyanga gumi.8Chikara chawaona, chaivapo, uye chisisisipo; uye choda kukwira chichibva mugomba risina chigadziko chichienda kundoparadzwa; uye vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku reupenyu kubva pakuvambwa kwenyika vachashamisika vachiona chikara chaivapo uye chisisisipo uye kunyange chiripo.9Zvino hekuno kufunga kune njere. Misoro minomwe makomo manomwe pamusoro pawo pagere mukadzi,10uye ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, umwe uripo, umwe uchigere kusvika; uye kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.11Uye chikara chaivapo uye chisisisipo naiye ndiyewo werusere, uye unobva pavanomwe, achienda mukuparadzwa.12Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi achigere kugamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.13Ivo vane ndangariro imwe, uye vanopa simba ravo neutongi hwavo kuchikara .14Ava vachaita hondo neGwayana, uye Gwayana richavakunda; nekuti iro ndiro Ishe wemadzishe, naMambo wemadzimambo; naivo vanaro ndevakadamwa nevakasarudzwa nevakatendeka.15Zvino akati kwandiri: mvura yawaona inogarwa nemhobwe, ndivo vanhu, nezvaunga nemarudzi, nendimi.16Uye nyanga gumi dzawaona pamusoro pechikara ndivo vachavenga mhombwe, uye vachaiparadza nekuifukura; uye vachadya nyama yayo, nekuipisa nemoto.17Nekuti Mwari wakaisa mumoyo yavo kuti vaite fungwa dzake, vave nekufunga kumwe, vape chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari apedzeredzwa.18Zvino mukadzi wawaona ndiro guta guru, rinotonga pamusoro pemadzimambo enyika.