Shona

Revelation

18

1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona mumwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.2Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Bhabhironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yose yetsvina, nedendere reshiri dzose dzine tsvina dzinovengwa.3Nekuti marudzi ose akamwazve waini yehasha dzeupombwe hwaro, nemadzimambo enyika akaita upombwe naro, nevatengesi venyika vakafuma nekuwanda kwefuma yaro.4Zvino ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga, richiti: Budai mariri vanhu vangu, kuti murege kugovana pazvivi zvaro, uye kuti murege kugamuchira zvematambudziko aro.5Nekuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, naMwari warangarira zvisakarurama zvaro.6Muritsive sezvarakakutsivai imwi, muchiripamhidzira kaviri pakupamhidzira kwaro zvichienderana nemabasa aro; mumudziyo iwoyo marakasanganisa iro, murisanganisire kakapamhidzirwa.7Parakazvikudza napo nekurarama muumbozha, murirwadzise nekurishungurudza saizvozvo; nekuti rinoti mumoyo maro: Ndinogara ndiri mambokadzi, handisi chirikadzi, uye handingatongooni kuchema.8Naizvozvo matambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto, nekuti une simba Ishe Mwari unoritonga.9Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;10vamire kure nekutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, iro guta rakasimba, nekuti kutongwa kwako kwakasvika neawa rimwe.11Uye vatengesi venyika vacharira nekuchema pamusoro paro, nekuti hakuchina munhu uchatenga nhumbizve dzavo;12nhumbi dzendarama, nesirvheri, nemabwe anokosha, nedzamaparera* nedzemucheka werineni, nezvine ruvara rwehute, nesiriki*, nezvitsvuku nematanda ako ose, nemarudzi ose emidziyo yenyanga dzenzou, nemarudzi ose emidziyo yematanda anokosha, nedzendarira, nedare, nemabwe machena;13nekinamoni*, nezvinonhuhwira, namafuta ekuzora, nemafuta ekusaodza, newaini, nemafuta, neupfu hwakatsetseka, nezviyo, nemombe, namakwai, nemabhiza, nengoro, nenhapwa, nemweya yavanhu.14Zvino michero yaichiviwa nemoyo wako yakabva kwauri, nezvinhu zvose zvakanaka nezvinopenya zvakabva kwauri, haungatongozviwanizve.15Vatengesi vezvinhu izvi vakange vafumiswa naro vachamira kure nekutya kurwadzwa kwaro, vachichema nekurira,16uye vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru, rakange rakapfeka rineni yakapfava, nezvine ruvara rwehute nezvitsvuku, rakashongedzwa nendarama nemabwe anokosha nemaparera!17Nekuti neora rimwe fuma huru yakadai yaparadzwa. Uye mufambisi wezvikepe umwe neumwe, nevose vanofamba nezvikepe, nevafambi vemuchikepe nevabati vose vepagungwa vakamira kure,18vakadanidzira vachiona utsi hwekutsva kwaro, vachiti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipi?19Zvino vakadira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nekuchema, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru iro, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa nefuma yavo; nekuti rakaparadzwa neawa rimwe.20Fara pamusoro paro iwe denga, nevaapositori vatsvene nevaporofita, nekuti Mwari wakakutsivira kwariri.21Zvino umwe mutumwa une simba wakasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akakandira mugungwa, achiti: Saizvozvo nechisimba guta guru Bhabhironi richaputsirwa pasi rikasatozongowanikwazve.22Nenzwi revaridzi veudimbwa nevaimbi nevaridzi venyere nevaridzi vehwamanda, harichatongonzwikwizve mauri, nemhizha yeumhizha hwupi nehwupi haichatongowanikwi mauri, nenzwi rose reguyo harichatongonzwiki mauri;23uye chiedza chemwenje hachichatongovhenekeri mauri, nenzwi remuwani neremwenga harichatongonzwikwizve mauri; nekuti vatengesi vako vaiva vanhu vakuru venyika; nekuti neuroyi hwako marudzi ose akatsauswa.24Mukati maro mukawanikwa ropa revaporofita nerevatsvene, nerevose vakashinjwa panyika.