1Zvino shure kwezvinhu izvi ndakanzwa inzwi guru revanhu vazhinji-zhinji kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya, nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;2Nekuti mitongo yake ndeyechokwadi yakarurama; nekuti wakatonga mhombwe huru yakaodza nyika neupombwe hwayo, akatsiva ropa revaranda vake paruoko rwayo.3Ndokuti rwechipiri: Hareruya! Neutsi hwaro hwunokwira kusvikira rinhi narinhi.4Zvino Vakuru makumi maviri nevana vakawira pasi nezvisikwa zvipenyu zvina vakanamata Mwari wakange agere pachigaro cheushe vachiti: Ameni, Hareruya!5Inzwi ndokubuda pachigaro cheushe, richiti: Rumbidzai Mwari wedu, imwi mose varanda vake, nemwi munomutya, zvose vaduku nevakuru.6Zvino ndakanzwa senzwi rechaunga chikuru, uye senzwi remvura zhinji, uye senzwi rekutinhira kukuru richiti: Hareruya! Nekuti Ishe Mwari Wemasimbaose unotonga.7Ngatifare, tipembere, tipe rukudzo kwaari; nekuti muchato weGwayana wasvika, mukadzi waro wazvigadzira.8Kwaari kwakapiwa kuti apfeke rineni yakapfava, inopenya, yakachena; nekuti rineni yakapfava ndiyo kururama kwevatsvene.9Zvino akati kwandiri: Nyora, uti: Vakaropfadzwa vakakokerwa kuchirayiro chemuchato weGwayana. Akati kwandiri: Awa mashoko aMwari echokwadi.10Zvino ndakawira patsoka dzake kuti ndimunamate; akati kwandiri: Chenjera usadaro; ndiri muranda pamwe newe nehama dzako dzine uchapupu hwaJesu; namata Mwari, nekuti uchapupu hwaJesu mweya wechiporofita.11Zvino ndakaona denga rakazarurwa, zvino tarira, bhiza jena, naiye wakange agere pamusoro paro unonzi Wakatendeka neWechokwadi, uye pakururama unotonga nekuita hondo.12Meso ake akaita semurazvo wemoto; nemusoro une korona zhinji, uye wakange ane zita rakanyorwa, risina kuzikamwa nemunhu, asi naiye amene.13Zvino wkapfeka nguvo yakanyikwa muropa; uye zita rake rinonzi Shoko raMwari.14Uye hondo dzaiva kudenga dzakamutevera dzakatasva mabhizha machena, dzakapfeka rineni yakapfava chena isina tsvina.15Mumuromo make makabva mabuda munondo unopinza, kuti nawo arove marudzi; uye uchaatonga netsvimbo yedare; unotsika chisviniro chewaini chehasha dzekutsamwa kwaMwari Wemasimbaose.16Uye panguvo yake nepachidzva chake pakange pane zita rinoti: MAMBO WAMADZIMAMBO naIshe WAMADZISHE.17Zvino ndakaona mutumwa amire muzuva; akadanidzira nenzwi guru, achiti kushiri dzose dzinobhururuka pakati pedenga: Uyai, muungane pamwe pachirayiro chaMwari mukuru.18kuti mudye nyama yemadzimambo, nenyama yevakuru vezvuru zvemazana, nenyama yevanhu vane simba, nenyama yemabhiza, neyavatasvi vawo, nenyama yose, zvose vakasununguka nevakasungwa, zvose vaduku nevakuru.19Zvino ndakaona chikara chiya nemadzimambo enyika nehondo dzavo, vakaungana pamwe kuti vaite hondo naiye wakange akatasva bhiza uye kumirisana nehondo yake.20Zvino chikara chakabatwa, uye pamwe naye nemuporofita wenhema wakaita zvishamiso pamberi pacho, zvaakanyengera nazvo vaya vakagamuchira mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho. Ava vose vakakandirwa vari vapenyu mugomba remoto unopfuta nesarufa.21Uye vakasara vakashinjwa nemunondo waiye wakange akatasva bhizha, wakabuda mumuromo make; neshiri dzose dzikagutiswa nenyama yavo.