1Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kubva kudenga ane kiyi yegomba risina chigadziko, neketani huru muruoko rwake.2Zvino akabata zibukanana, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore churu,3akamukandira mugomba risina chigadziko, akamupfigira, akaisa mucherechedzo pamusoro pake kuti arege kuzonyengerazve marudzi, kusvikira makore churu apera; shure kweizvozvo unofanira kusunungurwa chinguva chiduku.4Zvino ndakaona zvigaro zveushe, vakagara pamusoro pazvo, kutonga ndokupiwa kwaari; ndikaona mweya yevakange vagurwa misoro nekuda kweuchapupu hwaJesu, nekweshoko raMwari, nevasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho, kana kugamuchira mucherechedzo pahuma dzavo, nepamaoko avo; vakararama vakabata ushe pamwe naKristu makore churu.5Asi vakasara vevakafa havana kuraramazve kusvikira makore churu apera. Uku kumuka kwekutanga.6Wakaropafadzwa uye mutsvene une mugove pakumuka kwekutanga, uye pana ivava rufu rwechipiri haruna simba; asi vachava vapristi vaMwari navaKristu, vachabata ushe pamwe naye makore churu.7Zvino kana makore churu apera, Satani uchasunungurwa mutirongo rake,8zvino uchabuda kunonyengera marudzi ari kumativi mana enyika, ivo Gogi naMagogi, aavunganidzire kundorwa; uwandu hwakaita sejecha regungwa.9Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba misasa yevatsvene neguta rinodikamwa; moto ndokuburuka uchibva kuna Mwari uchibuda kudenga ukavaroromesa.10Zvino dhiabhorosi wakavanyengera akakandwa mudziva remoto nesarufa, pane chikara nemuporofita wenhema, uye vacharwadziwa masikati neusiku kusvikira rinhi narinhi.11Zvino ndakaona chigaro cheushe chikuru chichena, naiye wakange agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pachiso chake, zvikasawanirwa nzvimbo.12Uye ndakaona vakafa vaduku nevakuru, vamire pamberi paMwari, zvino mabhuku akazarurwa, nerimwe bhuku rikazarurwa, rinova reupenyu, vakafa vakatongwa nezvakange zvakanyorwa mumabhuku, zvichienderana nemabasa avo.13Gungwa rikabudisa vakafa vakange vari mariri; nerufu neguva zvikabudisa vakafa vakange vari mazviri; umwe neumwe akatongwa zvichienderana nemabasa avo.14Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.15Zvino kana aripo asina kuwanikwa akanyorwa mubhuku reupenyu wakakandirwa mudziva remoto.