1Zvino mambokadzi weShebha, wakati anzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha, akauya kuzomuidza nemibvunzo mikukutu.2Akasvika Jerusaremu navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuhwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino wakati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumoyo make.3Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.4Zvino mambokadzi weShebha wakati aona kungwara kose kwaSoromoni, neimba yaakanga avaka,5nezvokudya zvaiva patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.6Akati kuna mambo, Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri rechokwadi.7Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.8Varume venyu vane mufaro, navaranda venyu ava vanomufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.9Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro choushe chaIsiraeri; Jehovha wakada Isiraeri nokusingaperi, saka wakakuitai mambo kuti mutonge nokururamisa.10Akapa mambo matarenda ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; zvinonhuhwira zvakawanda zvakadai, zvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha, hazvina kuzouyiswazve.11Zvikepe zvaHiramu, zvaibva Ofiri nendarama, zvaiuyawo nemiti yemiarimugi nezvibwe zvinokosha zvaibva Ofiri.12Mambo akaita namatanda iwayo emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha, nedzeimba yamambo, uye mbira, nemitengeramwa zvavaimbi; miti yemiarimugi yakadai haina kumbouyiswa kana kuonekwa kusvikira nhasi.13Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvefuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.14Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;15vasingaverengi iyo yaiuya navashambadziri, neyaiuya nokutenga kwavatengesi vezvirungiso, neyaibva kumadzimambo ose endudzi dzakavhengana, nokuvabati venyika.16Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakapinda mashekeri ana mazana matatu endarama;17akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa, ndarama, yakasvika mapaundi matatu pakurema, yaiiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.18Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.19Chigaro icho choushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu, uye musoro wechigaro wakange wakatenderedzwa shure kwacho; kwaiva nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, uye shumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzechitsigiro.20Kwaiva neshumba gumi nembiri dzakanga dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kunohumwe ushe.21Mikombe yose yokumwira nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, uye midziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; kwakanga kusine chinhu chimwe chesirivha; iyo yainzi haino murimo pamazuva aSoromoni.22nekuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwechete nezvikepe zvaHiramu; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwe pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha, nenyanga dzenzou, netsoko, namatendera.23Naizvozvo mambo Soromoni wakakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.24Vanhu venyika dzose vaiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naJehovha mumoyo make.25Mumwe nomumwe waiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nenguvo, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.26Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; wakange ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa kumaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.27Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu, ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semivonde yaiva pamapani.28Mabhiza aSoromoni aakatenga akapinza munyika aibva Egipita, vatengesi vamambo vaindoatorako, vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rinomutengo waro.29Ngoro imwe neimwe yaibva Egipita, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.