1Zvino mambo Soromoni wakange achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwechete nomukunda waFarao, vakadzi vavaMoabhu, navaAmoni, navaEdhomu, navaZidhoni, navaHiti;2vaiva vendudzi dzakanga dzanzi naJehovha kuvana vaIsiraeri: Musaenda pakati pavo, naivo ngavarege kupinda pakati penyu; nekuti zvirokwazvo, vachatsausa moyo yenyu mukazotevera vamwari vavo; zvino Soromoni wakanamatira ivavo achivada.3wakange ana vakadzi vana mazana manomwe, vakunda vamadzimambo, navarongo vana mazana matatu; vakadzi vake vakatsausa moyo wake.4Nekuti Soromoni wakati akwegura, vakadzi vake vakatsausa moyo wake kuti atevere vamwe vamwari; moyo wake hauna kuzova wakarurama kwazvo kuna Jehovha Mwari wake, sezvakanga zvakaita moyo waDhavhidhi baba vake.5Nekuti Soromoni wakatevera Ashitoreti, mwarikadzi wavaZidhoni, naMirikomi mwari unonyangadza wavana vaAmoni.6Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.7Zvino Soromoni akavakira Kemoshi, mwari unonyangadza waMoabhu, dunhu rakakwirira pagomo riri pamberi peJerusaremu; naMoreki, mwari unonyangadza wavana vaAmoni.8Saizvozvo akaitirawo vakadzi vake vose vatorwa, vaipisira vamwari vavo zvinonhuhwira nokuvabayira.9Zvino Jehovha akatsamwira Soromoni, nekuti moyo wake wakatsauka kuna Jehovha Mwari walsiraeri, iye wakange azviratidza kaviri kwaari,10akamuraira pamusoro pechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuita zvaakanga arairwa naMwari.11Naizvozvo Jehovha akati kuna Soromoni, Zvawaita izvozvi, ukasachengeta sungano yangu nemitemo yangu, yandakakuraira, zvirokwazvo ndichabvarura ushe hwako, ndihubvise kwauri, ndihupe muranda wako.12Kunyange zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nokuda kwaDhavhidhi baba vako; asi ndichahubvarura, ndikahubvisa paruoko rwomwanakomana wako.13Kunyange zvakadaro handingahwubvaruri ndikahubvisa hwose asi ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, iro guta randakatsaura.14Zvino Jehovha akamutsira Soromoni Hadhadhi muEdhomu, kuti arwe naye; iye wakange ari worudzi rwamambo paEdhomu.15Nekuti panguva iya Dhavhidhi ari paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo wakati akwira kundoviga vakanga vaurawa, apedza kuuraya varume vose paEdhomu;16(nokuti Joabhu navaIsiraeri vose vakagarapo mwedzi mitanhatu, kusvikira vaparadza varume vose paEdhomu;)17Hadhadhi akatiza, akaenda Egipita, iye navamwe vaEdhomu pakati pavaranda vababa vake, iye Hadhadhi achiri mwana muduku.18Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Egipita kuna Farao mambo weEgipita; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.19Hadhadhi akazofarirwa kwazvo naFarao; naizvozvo akamupa muramu wake, munin'ina wavahosi vake Tapenesi, ave mukadzi wake.20Munin'ina waTapenesi akamuberekera mwanakomana wake Genubhati, wakarumurwa naTapenesi mumba maFarao; Genubhati akagara mumba maFarao, pakati pavanakomana vaFarao.21Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, Regai ndiende hangu kunyika yangu.22Farao akati kwaari, Washaiweiko kwandiri, zvaunoda kudzokera kunyika yako? Akapindura, akati, Handina kushaiwa chinhu; kunyange zvakadaro ndiregei henyu ndiende.23Zvino Jehovha akamumutsirazve mumwe kuzorwa naye, Rezonhi mwanakomana waEriadha, wakange atiza kunashe wake Hadhadhezeri mambo weZobha24akaunganidzira vanhu kwaari, akava mukuru wehondo panguva Dhavhidhi yaakauraya veZobha; vakaenda Dhamasiko, vakagarapo, vakabata ushe paDhamasiko.25Iye akarwa naIsiraeri mazuva ose aSoromoni, zvimwe zvakashata zvakaitwa naHadhadhi zvisingaverengwi iye akavenga vaIsiraeri, akabata ushe paSiria.26Jerobhoamuwo, mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake rainzi Zerua, yaiva chirikadzi, wakamukirawo mambo.27Iye wakamukira mambo nemhaka yokuti Soromoni wakange avaka Miro, akagadzira pakanga pakaputsika paguta raDhavhidhi baba vake.28Zvino murume uyu Jerobhoamu wakange ari murume wesimba noumhare, Soromoni akaona kuti jaya iro raibata kwazvo, akamuita mutariri wamabasa ose eimba yaJosefa.29Zvino panguva iyo Jerobhoamu wakati achibuda Jerusaremu, muporofita Ahija muShiro akasangana naye panzira; zvino Ahija wakange akafuka nguvo itsva; ivo vakanga vari vaviri voga kusango.30Ahija akabata nguvo itsva yaakafuka, akaibvarura akaita mapande ane gumi namaviri.31Akati kuna Jerobhoamu, Chizvitorera mapande ane gumi, nekuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, Tarira, ndinobvarura ushe, ndihwubvise kuna Soromoni, ndikupe marudzi ane gumi.32(Asi iye uchava norudzi rumwe nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nokuda kweJerusaremu, guta randakatsaura kumarudzi ose aIsiraeri;)33nekuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.34Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwose paruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakatsaura; nekuti wakachengeta mirairo yangu nezvandakatema.35Asi ndichabvisa umambo kumwanakomana wake, ndihupe iwe, iwo marudzi ane gumi.36Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.37ndichakutora iwe, ugobata ushe sezvinoda moyo wako, ugova mambo waIsiraeri.38Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.39Nekuti nemhaka iyi ndichatambudza vana vaDhavhidhi, asi handingazviiti nokusingaperi.40Naizvozvo Soromoni akatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka, akatizira Egipita kuna Shishaki mambo weEgipita, akagarapo paEgipita kusvikira pakufa kwaSoromoni.41Zvino mamwe mashoko aSoromoni, nezvose zvaakaita, nokungwara kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku ramabasa aSoromoni?42Zvino nguva yakabata Soromoni vaIsiraeri vose paJerusaremu aiva makore makumi mana.43Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.