Shona

1 Kings

12

1Zvino Rehobhoamu wakaenda Shekemu, nekuti vaIsiraeri vose vakanga vaungana paShekemu kuzomuita mambo.2Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakati achizvinzwa (nokuti wakange achiri Egipita kwaakanga atizira nokuda kwaSoromoni, Jerobhoamu akagara Egipita,3vakatuma nhume kundomudana;) Jerobhoamu neungano yose yavaIsiraeri vakasvika vakataura naRehobhoamu, vakati,4Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha; naizvozvo zvino imwi chirerutsai basa rababa venyu rakanga richigozha; nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, tigokushumirai.5Iye akati kwavari, Chimboendai henyu, mugare mazuva matatu, mugodzokera kwandiri. Vanhu vakaenda.6Ipapo mambo Rehobhoamu akarangana navakuru, vaimira pamberi paSoromoni baba vake, vachiri vapenyu akati, Mungandipa zano reiko, randingapindura vanhu ava naro?7Ivo vakataura kwaari vakati, Kana mukatenda kuva muranda wavanhu ava nhasi, mukavashumira, mukavapindura nokutaura mashoko akanaka kwavari, ipapo vachava varanda venyu nokusingaperi.8Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake.9Akati kwavari, Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?10Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imwi chitirerusirai iro, utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.11Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu, baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada.12Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kunaRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu.13Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa;14akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namaj aya, akati, Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.15Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nekuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.16Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako. Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.17Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakange ari mambo wavo.18Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu.19Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.20Zvino vaIsiraeri vose vakati vachinzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume kuzomudanira kuungano, vakamuita mambo wavaIsiraeri vose; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi, asi rudzi rwaJudha chete.21Zvino Rehobhoamu wakati achisvika Jerusaremu, akaunganidza vose veimba yaJudha, novorudzi rwaBhenjamini, varume vakatsaurwa vaiva nezviuru zvine zana namakumi masere, vaigona kurwa, kuzorwa neimba yaIsiraeri, kuti vadzoserezve ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.22Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,23Taura naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni, mambo wavaJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuna vamwe vanhu, uti,24Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nekuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.25Ipapo Jerobhoamu wakavaka Shekemu panyika yamakomo yaEfuremu, akagaramo; akabvapo, akandovaka Penueri.26Jerobhoamu akati mumoyo make, Zvino ushe huchadzokerazve kuimba yaDhavhidhi.27Kana vanhu ava vakakwira kundobayira zvibayiro zvavo mumba maJehovha paJerusaremu, ipapo moyo yavanhu ava ichadzokera kunashe wavo, iye Rehobhoamu mambo waJudha; vachandiuraya, vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.28Naizvozvo mambo akarangana navakuru, akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari, Kukwira Jerusaremu kwava kure; tarirai, vaIsiraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeEgipita.29Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.30Chinhu ichi chikava chivi, nekuti vanhu vakandonamata kwadziri idzo mbiri, kusvikira paDhani.31Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapristi, vasati vari vavana vaRevhi.32Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakange wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapristi vamatunhu akakwirira aakaita.33Akandobayira paaritari yaakavaka paBheteri nezuva regumi namashanu romwedzi worusere, iwo mwedzi waakafunga hake mumoyo make; akaraira vana valsiraeri mutambo, akandobayira paaritari, akapisa zvinonhuhwira.