1Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakange arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakange amire paaritari achipisa zvinonhuhwira.2Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuhwira pamusoro pako, uye vachapisa mafupa avanhu pamusoro pako.3Akavapa chiratidzo nezuva iro, akati, Ndicho chiratidzo chakataurwa naJehovha, Tarirai, aritari ichapamuka, namadota ari pamusoro payo acharashirwa pasi.4Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, Mubatei! Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.5Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.6Ipapo mambo akapindura, akati kumunhu waMwari, Kumbira hako kuna Jehovha Mwari wako andinzwire nyasha, undinyengeterere, kuti ndiporeserwezve ruoko rwangu. Munhu waMwari akanyengetera kuna Jehovha, mambo akaporeserwazve ruoko rwake, rukaita sakare.7Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, Enda neni kumba kwangu, uzvisimbisepo, ini ndikupewo mubayiro.8Asi munhu waMwari wakati kuna mambo, Kunyange mukandiganhurira imba yenyu napakati, handingapindi kwamuri, kunyange kudya zvokudya, kana kumwa pano,9nekuti Jehovha wakandiraira neshoko rake, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvura, kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.10Naizvozvo akadzoka neimwe nzira, haana kudzoka nenzira yaakanga aenda nayo Bheteri.11Zvino paBheteri pakanga pagere muporofita mutana; mwanakomana wake akandomuudza mabasa ose akaitwa no munhu waMwari paBheteri pazuva iro, namashoko aakataura kuna mambo, naiwo vakaudzawo baba vavo.12Ipapo baba vavo vakati kwavari, Waenda nenzira ipiko? Zvino vana vake vakanga vaona nzira yaendwa nayo nomunhu waMwari wokwaJudha.13Akati kuvanakomana vake, Ndisungirei chigaro pambongoro; ivo vakamusungira chigaro pambongoro, akaitasva.14Akatevera munhu waMwari, akamuwana agere pasi pomuti womuoki, ndokuti kwaari, Ndiwe munhu waMwari wakabva kwaJudha here? Akati, Ndini.15Ipapo akati kwaari, Hendei kumba kwangu, undodya zvokudya.16Iye akati, Handingagoni kudzoka nemwi kana kupinda kwamuri, handingadyi zvokudya, kana kumwa mvura nemwi pano,17nekuti ndakarairwa neshoko raJehovha, akati, Usadya zvokudya, kana kumwa mvurapo kana kudzoka nenzira yawaenda nayo.18Ipapo akati kwaari, Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokumwa mvura. Akareva nhema kwaari.19Naizvozvo akadzoka naye, akandodya zvokudya mumba make nokumwa mvura.20Zvino vakati vagere patafura, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita wakamudzosa,21akadanidzira kumunhu waMwari, wakange abva kwaJudha, akati, Zvanzi naJehovha, Zvausina kuteerera muromo waJehovha, ukasachengeta murayiro wawakarairwa naJehovha Mwari wako,22ukadzoka, ukadya zvokudya, ukamwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.23Zvino wakati adya zvokudya, nokumwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.24Zvino wakati aenda, shumba ikasangana naye munzira, ikamuuraya, chitunha chake chikakandirwa munzira, mbongoro ikamira nacho, uye shumbawo ikamira pachitunha.25Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.26Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.27Akati kuvanakomana vake, Ndisungirirei chigaro pambongoro, vakaisungira chigaro.28Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.29Ipapo muporofita akasimudza chitunha chomunhu waMwari, akachiisa pamusoro pembongoro, akadzoka nacho; akasvika kuguta romuporofita mutana, akamuchema nokumuviga.30Akaisa chitunha chake muhwiro hwake, vakamuchema, achiti, Haiwa, munin'ina wangu!31Zvino wakati amuviga, akataura navanakomana vake, akati, Kana ndafa, mundivige muhwiro makavigwa munhu waMwari; muise mafupa angu kurutivi rwamafupa ake;32nekuti izvo zvaakataura, paakadanidzira achirairwa naJehovha, kuaritari paBheteri, nokudzimba dzose dzamatunhu akakwirira, ari pamaguta eSamaria, zvichaitika zvirokwazvo.33Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.34Uye nechinhu ichi kwakava nechivi paimba yaJerobhoamu, kuti iparadzwe nokupedzwa panyika.