Shona

1 Peter

2

1Naizvozvo rashai uipi hwose nemano mano ose neunyepedzeri negodo neucheri hwose,2savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kusanganiswa nechinhu weshoko, kuti mukuriswe nawo;3kana zvakadaro, ivai vakaravira kuti Ishe une nyasha.4Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi rakasarudzwa naMwari, rinokosha.5Imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubayire zvibayiro zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari nekuda kwaJesu Kristu.6Nekuti murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoteya muZiyoni mbiru yebwe repakona, rakasarudzwa rinokosha; neunotenda kwaari haanganyadziswi.7Naizvozvo kwamuri imwi munotenda unokosha, asi kune vasingateereri, ibwe rakarabwa nevavaki, ndiro rakazova musoro wekona,8uye ibwe rekugumbusa, nedombo rekupinganidza; vanogumburwa neshoko vasingariteereri; ndizvo zvavakagadzirwawo.9Asi imwi muri rudzi rwakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakatengwa, kuti muparidze kose kunaka kwaiye wakakudanai kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.10imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kuwana tsitsi, asi zvino manzwirwa tsitsi.11Vadiwa, ndinokukumbirisai, sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nemweya;12mune mafambiro wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, vaona mabasa enyu akanaka varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.13Muzviise pasi pechiga chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe: kana ari mambo, saiye mutungamiriri;14kana kuvatungamiriri, sekuna ivo vakatumwa naye pakurangwa kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka.15Nekuti ndizvo zvakaita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwemapenzi;16sevakasununguka, asi musingashandisi kusungunuka kwenyu sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari.17Kudzai vose. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.18Varanda zviisei pasi pevatenzi venyu nekutya kose, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama.19Nekuti idzi inyasha kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira pakutambudzika, achitambudzika zvisakafanira.20Nekuti zvine mbiri yei, kana muchitsungirira mukarobwa matadza? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvozvi inyasha kuna Mwari.21Nekuti makadanirwa izvozvo, nekuti Kristu wakatitambudzikirawo, akatisiira muenzaniso, kuti mutevere makwara ake;22iye usina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make;23iye wakati achinyombwa, haana kunyombawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune unotonga zvakarurama;24iye wakatakura amene zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti isu takafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake.25Nekuti makange makaita semakwai akarasika; asi zvino madzokera kumufudzi neMutariri wemweya yenyu.