Shona

1 Peter

3

1Saizvozvo imwi vakadzi, ivai pasi pevarume venyu; kuti kana varipo vamwe vasingateereri shoko, vawanikwe nemafambiro evakadzi pasina shoko,2kana vachiona mafambiro enyu akachena pakutya.3Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka vhudzi nekwekushonga ndarama, kana kupfeka nguvo ;4asi ngakuve munhu wakavanzika wemoyo pachinhu chisingaori chemweya munyoro wakanyarara, unokosha zvikuru pamberi paMwari.5Nekuti saizvozvo panguva dzakare vakadzi vatsvenewo vaivimba naMwari vakazvishongedza vakazviisa pasi pevarume vavo,6saSara akateerera Abhurahamu achimuidza ishe; vakunda vake vamuri imwi kana muchingoita zvakanaka chete, uye musingatyiswi nechipi nechipi chinovhundusa.7Saizvozvo imwi varume, garisanai neruzivo, muchikudza mukadzi semudziyo usina simba, uye savadyi venhaka yenyasha dzeupenyu pamwe nemwi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviridzwa.8Pakupedzisira, muve nemoyo umwe mose, muchinzwirana tsitsi, mudanane sehama, muve nemoyo munyoro, mune rudo;9musingatsivi zvakaipa nezvakaipa, kana kutuka nekutuka; asi pachinzvimbo chaizvozvo muchiropafadze, muchiziva kuti ndizvo zvamakadanirwa, kuti mugare nhaka yeropafadzo.10Nekuti uyo unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake kuti irege kutaura zvinonyengera.11Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevedze.12Nekuti meso aIshe ari pamusoro pevakarurama, nenzeve dzake paminyengetero yavo. Asi chiso chaIshe chinopikisa vanoita zvakaipa.13Zvino ndiani uchakuitirai zvakaipa, kana muri vatevedzeri vezvakanaka?14Asi kana muchitambudzikawo nekuda kwekururama, makaropafadzwa; uye musatya kutyisa kwavo, kana kumanikidzika.15Asi kudzai Ishe Mwari mumoyo yenyu; mugare makazvigadzira kupindura umwe neumwe unokubvunzai chikonzero chetariro iri mukati menyu neunyoro nekutya;16mune hana yakanaka, kuti pavanokucherai sevaiti vezvakaipa vanyare, ivo vanomhura mafambiro enyu akanaka muna Kristu.17Nekuti zviri nani kutambudzika muchiita zvakanaka, kana chido chaMwari chichida, muchiita zvakaipa.18Nekuti Kristuwo wakatambudzika kamwe nekuda kwezvivi, iye wakarurama nekuda kwavasakarurama, kuti atiise kuna Mwari; aurawa zvirokwazvo panyama, asi wakararamiswa nemweya;19mauri wakaendawo akaparidzira kumweya iri mutirongo,20iyo yaimbova isingateereri, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira, pamazuva aNowa apo areka ichagadzirwa, kukaponeswa mairi vashoma, mweya misere nemvura.21Mufananidzo wayo ndirwo rubhabhatidzo rwunotiponesawo zvino, kwete kubviswa kwesvina yenyama, asi kutsvaka hana yakanaka kuna Mwari nekumukazve kwaJesu Kristu;22wakaenda kudenga, uye uri kuruoko rwerudyi rwaMwari; vatumwa nevatungamiriri nemasimba zvakaiswa pasi pake.