Shona

1 Peter

4

1Naizvozvo Kristu sezvaakatitamburira panyama, nemwiwo muzvishongedze zvombo nemurangariro wakadaro; nekuti iye wakatambudzika panyama warega chivi;2kuti panguva yakasara panyama musachiraramira kuchiva kwevanhu, asi chido chaMwari.3Nekuti yakatiringana nguva yakapfuura yeupenyu kuita chido chevahedheni, patakafamba muutera, kuchiva, nekumwisa waini, mabongozozo, nemitambo yekunwa, nekunamata zvifananidzo zvisakafanira;4zvavanoshamisika mazviri kuti hamumhanyidzani navo pakuwandisa kwenyonganyonga imwe, vachinyomba;5vachazvidavirira kuna iye wakagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.6Nekuti nekuda kwaizvozvi evhangeri yakaparidzirwawo kune vakafa, kuti vatongwe panyama nemutowo wevanhu, asi vararame nomutowo waMwari pamweya.7Zvino kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera; naizvozvo svinurai murinde muminyengetero.8Uye pamusoro pezvinhu zvose dananai nerudo rwusingaperi, nekuti rudo ruchafukidzira zvivi zvizhinji.9Gamuchiranai nerudo, musinganyunyuti.10Umwe neumwe sezvaakagamuchira chipo, shumiranai ichocho sevatariri vakanaka venyasha zhinji dzaMwari.11Kana munhu achitaura, ngaataure semashoko aMwari; kana munhu achishumira ngazviitwe nesimba rinopiwa naMwari; kuti Mwari pazvinhu zvose akudzwe kubudikidza naJesu Kristu, kwaari kune kukudzwa nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.12Vadiwa, musashamisika nemuedzo unopisa pakati penyu, unokuidzai sezvinonzi mawirwa nechisingazikamwi;13asi farai sezvamuri vagovani vematambudziko aKristu, kuti pakuratidzwa kwekubwinya kwake mufarewo nemufaro mukurusa.14Kana muchinyombwa nekuda kwezita raKristu, makaropafadzwa; nekuti Mweya wekubwinya newaMwari ugere pamusoro penyu; kwavari unonyombwa asi kwamuri unokudzwa.15Nekuti kusva neumwe wenyu unotambudzika semhondi, kana mbavha, muiti wezvakaipa, kana unongongwarira zvevamwe;16asi kana achitambudzika semuKristu, asanyara; asi ngaakudze Mwari nekuda kwezvizvi.17Nekuti nguva yasvika yekuti kutonga kutange paimba yaMwari; zvino kana kukatanga kwatiri, kuguma kwevasingateereri evhangeri yaMwari kuchavei?18uye kana zvichiremera wakarurama kuti aponeswe, uyo usingadi Mwari, nemutadzi, vachaonekwepi?19Naizvozvo naiwo vanotambudzika zvinoenderana nechodo chaMwari, sekuMusiki wakatendeka ngavakumikidze mweya yavo vachiita zvakanaka.