1Vakuru vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mukuru pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovaniwo wekubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:2Fudzai boka raMwari riri pakati penyu muchiritarisisa, kwete nekurovererwa asi nechido, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nekutenda;3kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa asi muri mufananidzo weboka.4Zvino kana Mufudzi mukuru achizoonekwa muchagamuchira korona yekubwinya isingabvuruvari.5Saizvozvo imwi vaduku, muzviise pasi pevakuru, imwi mose muzviise pasi mumwe kune mumwe, uye mupfekedzwe nekuninipa, nekuti Mwari unopikisa vanozvikudza achipa nyasha vanozvininipisa.6Naizvozvo zvininipisei pasi peruoko rwune simba rwaMwari, kuti akukudzei panguva yakafanira,7muchikandira pamusoro pake kufunganya kwenyu kose, nekuti iye unokuchengetai.8Svinurai, murinde, nekuti mupikisi wenyu dhiabhorosi, seshumba inoomba unofamba-famba ichitsvaka waangaparadza;9mumupikise makamira nesimba parutendo, muchiziva kuti matambudziko iwawo anozadziswa kuhama dzenyu dziri panyika.10Asi Mwari wenyasha dzose, iye wakatidanira mukubwinya kwake kusingaperi naKristu Jesu, kana tatambudzika chinguvana, iye ungakuperedzerai nekukusimbisai, nekukupai simba, nekukuteyai.11Kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.12NaSirivhano hama yakatendeka kwamuri pakufunga kwangu, ndakakunyorerai nepaduku, ndichikurudzira nekupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari; dzamumire madziri.13Kereke iri muBhabhironi yakasarudzwa pamwe nemwi inokukwazisai, naMako mwanakomana wangu.14Kwazisanai nekutsvoda kwerudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.