Shona

2 Peter

1

1Simioni Petro, muranda nemuapositori waJesu Kristu, kune avo vakawana rutendo rwunokosha rwakafanana nerwedu kubudikidza nekururama kwaMwari neMuponesi wedu Jesu Kristu:2Nyasha nerugare kwamuri ngazviwanzwe paruzivo rwaMwari nerwaJesu Ishe wedu;3sesimba rake reuMwari raakapa kwatiri zvinhu zvose zveupenyu neuMwari kubudikidza neruzivo rwaiye wakatidanira kubwinya nekunaka;4akatipa nazvo zvivimbiso zvikurusa uye zvinokosha; kuti nazvo muve vagovani vechimiro cheuMwari, matiza kuora kuri panyika kubudikidza nekuchiva.5Zvino pasina izvozvi muchishingaira kwazvo wedzerai parutendo rwenyu kunaka, nepakunaka ruzivo,6neparuzivo kuzvidzora, nepakuzvidzora kutsungirira, nepakutsungirira umwari,7nepauMwari rudo rwehama, neparudo rwehama, rudo.8Nekuti kana zvinhu izvi zviri mamuri, uye zvichiwanda zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashaiwi zvibereko paruziva Ishe wedu, Jesu Kristu.9Asi usina zvinhu izvi ibofu, unoonera pedo, uye wakangamwa kuti wakasukwa pazvivi zvake zvakare.10Naizvozvo, hama, zviri nani mushingaire kwazvo kuti musimbise kudamwa nekusanangurwa kwenyu; nekuti kana muchiita zvinhu izvi hamungatongogumburwi.11Nekuti saizvozvo muchawedzerwa nekufumiswa pakupinda muushe hwusingaperi hwaIshe wedu neMuponesi Jesu Kristu.12Saka handingashaiwi hanya nekukuyeudzirai zvinhu izvi nguva dzose, kunyange muchizviziva, uye makasimba pachokwadi chiripo.13Uye ndinofunga zvakanaka kuti kana ndichingori mutende rino chete ndikumutsei nechiyeudziro;14ndichiziva kuti kunokurumidza kubviswa kwetende rangu, Ishe wedu Jesu Kristu sezvaakandiraira.15Zvino neni ndichashingaira kuti nguva dzose shure kwekuenda kwangu muve nechirangaridzo chezvinhu izvi.16Nekuti hatina kutevera ngano dzemano mano patakakuzivisai simba nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri vakazvionera ukuru hwake.17Nekuti wakagamuchira rukudzo nekubwinya kubva kuna Mwari Baba panguva iya yakauya inzwi rakadai kwaari richibva kukubwinya kukurukuru richiti: Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodika, wandinofara maari.18Uye inzwi iri isu ratakanzwa richibva kudenga pataiva naye mugomo dzvene.19uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchiriteerera semwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga hwuchitsuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;20muchiziva izvi pakutanga, kuti hakuna chiporofita cherugwaro chinobva mududziro yewakazvimiririra;21Nekuti chiporofita hachina kuuyiswa panguva pedare nekuda kwemunhu, asi vanhu vatswene vaMwari vakataura, vachisundwa neMweya Mutsvene.