Shona

1 Samuel

2

1Hana akanyengetera, akati, moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu nekuti ndinofarira ruponeso rwenyu.2Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nekuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.3Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Ukururi ngahurege kubuda pamiromo yenyu, nekuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.4Uta hwevanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.5Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. wakange asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakange ana vana vazhinji woshaiwa simba.6Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.7Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.8Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. nekuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.9Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; nekuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.10Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake.11Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomupristi Eri.12Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.13Tsika yavapristi pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womupristi waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;14zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomupristi. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.15Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womupristi waiuya, ndokuti kumunhu wakange achibayira, Ndipe nyama yokugochera mupristi; nekuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi.16Zvino kana munhu uyo akati kwaari, Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikamwa nomoyo wako, ipapo iye ndokuti, Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba.17Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nekuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.18Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.19Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.20Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha. Vakaenda kumusha kwavo.21Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.22Zvino Eri wakange akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.23Akati kwavari, Munoitireiko zvinhu zvakadai? nekuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.24Kwete, vana vangu; nekuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.25Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera? Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nekuti Jehovha wakange achida kuvauraya.26Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikamwa naJehovha uye navanhuwo.27Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, Zvanzi naJehovha, Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Egipita vakasungwa neimba yaFarao here?28Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave mupristi wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuhwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?29Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?30Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi, asi zvino zvanzi naJehovha, Handingadaro, nekuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.31Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.32Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.33Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.34Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.35Neni ndichazvimutsira mupristi wakatendeka; uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.36Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa, achiti, Dondipaiwo rimwe basa ravapristi, ndidyewo chimedu chechingwa.