Shona

1 Samuel

3

1Zvino mwana Samueri waibatira Jehovha pamberi paEri. Asi shoko raJehovha rakanga richinzwika kashoma pamazuva iwayo; Jehovha wakange asingazviratidzi pachena.2Zvino nenguva iyo Eri wakati avata pasi panzvimbo yake (Meso ake zvino akanga oonera madzedzerere, asingagoni kuona kwazvo,)3mwenje waMwari usati wadzimwa, naSamueri akanga avata pasi patemberi yaJehovha, pakanga pane areka yaMwari;4Jehovha akadana Samueri. Iye akati, Ndiripano hangu.5Akamhanyira kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Eri akati, Handina kukudana, chivata hakozve. Iye akandovatazve.6Ipapo Jehovha akapamhazve kudana, akati, Samueri! Samueri akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiripano hangu, nekuti mandidana. Akapindura akati, Handina kukudana, mwana wangu; chivata hakozve.7Asi Samueri wakange achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa.8Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, Ndiri pano hangu, nekuti mandidana. Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana.9Saka Eri akati kuna Samueri, Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, Taurai Jehovha, nekuti muranda wenyu unonzwa. Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.10Ipapo Jehovha akauya, akamira, akadana sapanguva dzimwe dzokutanga, akati, Samueri, Samueri! Samueri akati, Taurai henyu, nekuti muranda wenyu unonzwa.11Jehovha akati kuna Samueri, Tarira, ndichaita chinhu pakati paIsiraeri, nzeve dzomumwe nomumwe unochinzwa dzichawunga.12Nomusi uyo ndichaitira Eri zvose zvandakataura pamusoro peimba yake, kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.13Nekuti ndakamuudza kuti ndichatongesa imba yake nokusingaperi pamusoro pezvakaipa zvaakanga achiziva hake; nekuti vanakomana vake vakanga vachizviita chakatukwa, asi iye haana kuvadzivisa.14Saka ndakapika pamusoro peimba yaEri, kuti zvakaipa zveimba yaEri hazvingayananiswi nezvibayiro kana nezvipiriso nokusingaperi.15Zvino Samueri akavata kusvikira mangwana, akazarura mikova yeimba yaJehovha. Asi Samueri wakatya kuzivisa Eri zvaakanga aratidzwa.16Zvino Eri akadana Samueri, akati Samueri, mwana wangu. Iye akati, Ndiripano hangu.17Akati, Chinyiko chawakaudzwa naJehovha? Usandivanzira hako chinhu icho; Mwari ngaakurove, arambe achidaro, kana ukandivanzira chinhu chimwe pazvinhu zvose zvaakakuudza.18Ipapo Samueri akamurondedzera zvose-zvose, haana kumuvanzira chinhu chimwe. Eri akati, NdiJehovha, ngaaite hake sezvaanoda.19Samueri akakura; Jehovha akava naye, haana kutendera kuti rimwe ramashoko ake riwire pasi.20VaIsiraeri vose kubva paDani kusvikira paBheerishebha, vakaziva kuti Samueri wakange asimbiswa kuva muporofita waJehovha.21Zvino Jehovha akazviratidzazve paShiro, nekuti Jehovha wakazviratidza kuna Samueri paShiro neshoko raJehovha.