Shona

1 Samuel

4

1Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino valsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki.2VaFirisitia vakazvigadzirira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina.3Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.4Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari.5Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira.6VaFirisitia vakati vachinzwa inzwi rokupururudza, vakati, inzwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko? Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa.7VaFirisitia vakatya, nekuti vakati, Mwari wasvika kumisasa. Vakati, Tine nhamo! nekuti chinhu chakadai hachina kumbovapo.8Tine nhamo ! Ndianiko uchatirwira pamaoko avaMwari ava vane simba? Ndivo vaMwari vakadeya kurova vaEgipita namatambudziko amarudzi mazhinji murenje.9Simbai, muite savarume, imwi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.10Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nekuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo.11Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa.12Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguvo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake.13Pakusvika kwake, Eri wakange agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nekuti moyo wake wakange uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema.14Zvino Eri wakati achinzwa inzwi rokuchema, akati, inzwi rebopoto iri rinoti kudiniko? Murume akakurumidza, akandoudza Eri.15Zvino Eri wakange ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo.16Murume akati kuna Eri, Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati, Kwaitweiko, mwana wangu?17Zvino murume wakange auya neshoko akapindura, akati, VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.18Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuwo, akavhunika mutsipa, akafa; nekuti wakange ava mutana, ano muviri mukobvu. wakange atonga vaIsiraeri makore makumi mana.19Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakange ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nekuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake.20Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, Usatya hako, nekuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.21Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nekuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.22Akati, Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nekuti areka yaMwari yatorwa.