1Zvino Samueri wakati akwegura2Zita romwana wake wedangwe rakanga riri Jowero, nezita rowechipiri Abhija; ivo vaiva vatongi paBheerishebha.3Asi vanakomana vake havana kufamba nenzira dzake, asi vakatsaukira kufuma yakaipa, vakagamuchira fufuro, nokusaruramisa pakutonga.4Zvino vakuru vaIsiraeri vose vakaungana, vakauya kuna Samueri paRama,5vakati kwaari, Tarirai, imwi makwegura, asi vanakomana venyu havafambi nenzira dzenyu, zvino tigadzirirei mambo ungatitonga, sezvinoitwa kundudzi dzose.6Asi shoko iro harina kufadza Samueri, iro rokuti, Tipei mambo ungatitonga. Samueri akanyengetera kuna Jehovha.7Ipapo Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako zvose zvinotaura vanhu kwauri, nekuti havana kukuramba iwe, asi vakandiramba ini, kuti ndirege kuva mambo wavo.8Zvose zvavakaita kubva zuva randakavakwidza ndichivabudisa paEgipita kusvikira nhasi, vachindirasha nokushumira vamwe vamwari, ndizvo zvavanokuitira iwewo.9Zvino teerera hako manzwi avo; asi uvapupurire kwazvo, uvazivise tsika dzamambo, uchavabata.10Zvino Samueri akaudza vanhu vakanga vachikumbira mambo kwaari mashoko ose aJehovha.11Akati, Tsika dzamambo, uchakubatai, ndidzo, Uchatora vanakomana venyu akavaisa pangoro dzake.12Uchazvitsaurira vamwe vave vakuru vezviuru, navakuru vamakumi mashanu; ucharaira vamwe kumurimira minda yake, nokukohwa michero yake, nokumuitira nhumbi dzake dzokurwa nadzo, nenhumbi dzengoro dzake.13Uchatora vanasikana venyu, vave vavhenganisi vezvinonhuhwira, navabiki vezvokudya, navabiki vechingwa.14Uchatora minda yenyu neminda yenyu yemizambiringa, neminda yenyu yemiorivhi yakaisvonaka kukunda mimwe, achipa varanda vake.15Uchatora zvegumi zvembeu dzenyu nemazambiringa enyu, achipa varanda vake navabatiri vake.16Uchatora varanda venyu navarandakadzi venyu, namajaya enyu akaisvonaka kukunda vamwe vose, nembongoro dzenyu, achibatisa mabasa ake nazvo.17Uchatora zvegumi zvamapoka enyu amakwai; nemwi muchava varanda vake.18Nezuva iro muchachema kwazvo nokuda kwamambo wenyu wamunenge mazvitsaurira; asi Jehovha haangakupinduriyi nezuva iro.19Asi vanhu vakaramba kuteerera inzwi raSamueri, vakati, Kwete, tinoda hedu mambo ungatibata,20kuti isuwo tifanane nedzimwe ndudzi; mambo wedu atitonge, atitungamirire, nokurwa pahondo dzedu.21Samueri akanzwa mashoko ose avanhu, akaarondedzera panzeve dzaJehovha.22Zvino Jehovha akati kuna Samueri, Teerera hako manzwi avo, uvagadzirire mambo. Samueri akati kuvarume vaIsiraeri, Endai henyu, mumwe nomumwe kuguta rake.