1Zvino kwakanga kuno murume waBhenjamini, wainzi Kishi, mwanakomana waAbhieri, mwanakomana waZerori, mwanakomana waBhekorati, mwanakomana waAfia, mwanakomana womuBhenjamini, munhu waiva nesimba noumhare.2Uyu munhu wakange ano mwanakomana wainzi Sauro, jaya rakanaka; kwakanga kusino mumwe munhu pakati pavana vaIsiraeri wakange akamukunda pakunaka; kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakange akapfuura vanhu vose pakureba.3Zvino mbongoro dzaKishi, baba vaSauro, dzakanga dzarashika. Ipapo Kishi akati kuna Sauro, mwanakomana wake, Enda nomumwe wavaranda, mundotsvaka mbongoro.4Iye akapfuura nokunyika yamakomo yaEfuremu, akapfuurawo nokunyika yamakomo yeSharisha, asi havana kudziwana; zvino vakapfuurazve nokunyika yeSharimi, asi naipapo dzakanga dzisipo; ipapo akapfuura nokunyika yavaBhenjamini, asi havana kudziwana.5Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakange anaye, Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.6Iye akati kwaari, Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.7Zvino Sauro akati kumuranda wake, Asi tarira, kana tikaenda, tichandovigirei munhu uyo? nekuti zvingwa zvakanga zviri mumidziyo yedu zvapera; hapana chipo chatingavigira munhu waMwari; tineiko?8Ipapo muranda akapindurazve, akati kuna Sauro, Tarirai, ndine chechina cheshekeri resirivha muruoko rwangu; ndichachipa munhu waMwari, atiudze nzira yedu.9(Kare pakati pavaIsiraeri kana munhu ondobvunza Mwari, waiti, Handei kuMuvoni; nekuti unonzi Muporofita zvino wainzi Muvoni kare.)10Ipapo Sauro akati kumuranda wake, Ishoko rakanaka, hendei. Naizvozvo vakaenda kuguta kwakanga kuno munhu waMwari.11Zvino vakati vachikwira kuguta, vakasongana navasikana vakanga vabuda kundoteka mvura, vakati kwavari, Muvoni ari pano here?12Vakapindura, vakati, Aripo, tarirai, hoyo pamberi penyu; kurumidzai henyu zvino, nekuti wasvika muguta nhasi; nekuti vanhu vanobayira nhasi padunhu rakakwirira.13Kana mangoti mapinda muguta, muchamuwana pakarepo achigere kukwira kudunhu rakakwirira kundodyapo; nekuti vanhu havangadyi, iye asati asvika, nekuti ndiye unoropafadza chibayiro; pashure ivo vakakokwa vachadya. Naizvozvo chikwirai zvino, nekuti muchamuwana nenguva ino.14Ipapo vakakwira kuguta. Vakati vosvika muguta, vakaona Samueri obuda, akasangana navo okwira kudunhu rakakwirira.15Zvino Jehovha wakange azivisa Samueri zuva rakatangira kusvika kwaSauro, akati,16Mangwana nenguva ino ndichatuma kwauri munhu unobva kunyika yaBhenjamini; unofanira kumuzodza, kuti ave mutungamiriri wavanhu vangu vaIsiraeri aponese vanhu vangu mumaoko avaFirisitia; nekuti ndakatarira vanhu vangu, nekuti kuchema kwavo kwakasvika kwandiri.17Zvino Samueri wakati achiona Sauro; Jehovha akati kwaari, Ndiye munhu wandakakuudza ndichiti, ndiye uchabata vanhu vangu.18Ipapo Sauro akaswedera kuna Samueri pasuwo, akati, Ndiudzeiwo kuti imba yoMuvoni iripi?19Samueri akapindura Sauro, akati, Ndini Muvoni; nditungamirirei mukwire kudunhu rakakwirira, nekuti munofanira kudya neni nhasi; mangwana ndichakutendera kuenda, ndigokuudzawo zvose zviri pamoyo wako.20Asi kana dziri mbongoro dzako dzakanga dzarashika mazuva matatu, usadzifunga hako, nekuti dzatowanikwa hadzo. Asi zvose zvinodikamwa naIsiraeri hazvizi kwauri here? Hazvizi kwauri nokuna vose veimba yababa vako here?21Sauro akapindura, akati, Ko handizi muBhenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsiraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBhenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?22Samueri akatora Sauro nomuranda wake, akapinda navo mumba mokudyira, akavagarisa pavakakudzwa kupfuura vamwe vakakokwa, vaiva vanhu vanenge makumi matatu.23Zvino Samueri akati kumubiki, Uya nomugove wandakakupa ndichiti, Chiuchengeta uri woga.24Mubiki akatora chidzva nezvose zvakanga zviri pachiri, akazvigadza pamberi paSauro. Samueri akati, Tarira, ndicho chakanga chakachengetwa; uzvigadze pamberi pako, udye, nekuti zvakakuchengeterwa iwe kusvikira nguva yakafanira, nekuti ndakati, Ndakokera vanhu. Naizvozvo Sauro akadya naSamueri musi iwoyo.25Zvino vakati vaburuka padunhu rakakwirira, vakapinda muguta, akataurirana naSauro padenga reimba.26Vakamuka mangwanani, mambakwedza, Samueri akadana Sauro padenga reimba, akati, Muka, ndikuendise. Ipapo Sauro akamuka, vakabuda iye naSamueri vari vaviri.27Zvino vakati voburuka pamugumo weguta, Samueri akati kuna Sauro, Raira muranda atungamire mberi kwedu (iye akatungamira hake); asi iwe chimbomira hako, ndikuzivise shoko raMwari.