Shona

2 Chronicles

7

1Zvino Soromoni akati apedza kunyengetera, moto ndokuburuka kudenga, ukapedza chipiriso chinopiswa nezvimwe zvibayiro; kubwinya kwaJehovha kukazadza imba.2Vapristi vakakoniwa kupinda muimba yaJehovha, nekuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.3Vana vaIsiraeri vose vakatarira moto uchiburuka kudenga nokubwinya kwaJehovha kuchigara pamusoro peimba; vakakotamira pasi nezviso zvavo pakarongwa namabwe, vakanamata nokuvonga Jehovha, vachiti, nekuti akanaka. Nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi.4Ipapo mambo navanhu vose vakabayira zvibayiro pamberi paJehovha.5Mambo Soromoni akabayira chibayiro chenzombe dzine zviuru zvina makumi maviri nezviviri, namakwai ane zviuru zvine zana namakumi maviri. Saizvozvo mambo navanhu vose vakatsaurira Mwari imba iyo.6Vapristi vakamirapo, sezvavakagoverwa mabasa avo; navaRevhivo vane zvokuridzira Jehovha, zvakaitwa namambo Dhavhidhi, zvokuvonga Jehovha nazvo, nekuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi, panguva iya Dhavhidhi yaakakudza Jehovha nazvo; vapristi vakaridza hwamanda pamberi pavo, vaIsiraeri vose vakamira.7Soromoni akatsaurawo nzvimbo yapakati yoruvazhe rwakanga ruri pamberi peimba yaJehovha; nekuti ndipo paakabayira zvipiriso zvinopiswa, namafuta ezvipiriso zvokuyananisa; nekuti aritari yendarira yakaitwa naSoromoni yakanga isingagoni kuringana chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu, namafuta.8Naizvozvo Soromoni akatamba mutambo panguva iyo mazuva manomwe, navaIsiraeri vose pamwechete naye, ikaita ungano huru-huru, kubva pavanopinda paHamati, kusvikira parukova rweEgipita.9Zvino pazuva rorusere vakatamba mutambo wokupedzisira; nekuti vakatsaura aritari mazuva manomwe, vakaita mutambo mazuva manomwe.10Zvino pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendisa vanhu kumatende avo nemoyo yakanga ichifara, ichifarira zvakanaka zvose zvakaitira Jehovha Dhavhidhi, naSoromoni, navanhu vake vaIsiraeri.11Saizvozvo Soromoni akapedza imba yaJehovha, neimba yamambo; zvose zvakanga zviri mumoyo waSoromoni kuita muimba yaJehovha, nomumba make, wakazviita kwazvo.12Ipapo Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku, akati kwaari, Ndanzwa kunyengetera kwako, ndazvitsaurira nzvimbo iyi, ive imba yokubayira zvibayiro.13Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndaraira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu;14kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakangamwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.15Zvino meso angu achasvinura, nzeve dzangu dzichateerera ndinzwe munyengetero unoitwa panzvimbo iyi.16Nekuti zvino ndatsaura imba ino nokuiita tsvene, zita rangu rivepo nokusingaperi; meso angu nomoyo wangu zvichavapo nokusingaperi.17Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sababa vako, Dhavhidhi, ukaita zvose zvandakakuraira, ukachengeta zvandatema nezvandatonga,18ipapo ini ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakapikira baba vako Dhavhidhi, ndichiti, Haungashaiwi munhu achabata ushe hwaIsiraeri.19Asi kana mukatsauka, mukasiya zvandatema nezvandaraira zvandakaisa pamberi penyu, mukandoshumira vamwe vamwari, mukavanamata;20ipapo ndichavadzura nemidzi panyika yangu yandakavapa, neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona, ndiite shumo nechiseko pakati pavanhu vose.21Neimba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka, vachiti, Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino, uye neimba iyi?22Vachapindura, vachiti: Nekuti vakasiya Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, wakavabudisa panyika yeEgipita, vakanamatira vamwe vamwari, vakavanamata, nokuvashumira; saka Jehovha akavapinza panjodzi idzi dzose.