1Makore makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,2Soromoni akavaka maguta akanga apiwa Soromoni naHurami, akagarisa vana vaIsiraeri imomo.3Soromoni akaenda Hamatizobha, akarikunda.4Akavaka Tadhimori murenje, namaguta ose amatura aakavaka paHamati.5Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi, ari maguta akakombwa namasvingo, anamasuwo, namazariro;6neBhaarati, namaguta ose engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakabatwa naye.7Kana vari vanhu vose vakanga vasara pavaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi, vakanga vasi vavaIsiraeri;8pavana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, vasati vakaparadzwa navalsiraeri, pakati pavo Soromoni akaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.9Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vakanga vari varwi, navakuru vavatungamiriri vake vehondo, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.10Ndivo vaiva vatariri vakuru vamambo Soromoni, vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vairaira vanhu.11Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nekuti akati, Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nekuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene.12Zvino Soromoni akabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, yaakanga avaka pamberi peberere,13sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMozisi, pamasabata, napakugara komwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.14Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapristi pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapristi, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe navatariri vemikova pamapoka avo pasuwo rimwe nerimwe; nekuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.15Havana kutsauka pamurayiro wamambo kuvapristi navaRevhi pamusoro pezvinhu zvose napamusoro pefuma.16Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.17Ipapo Soromoni akaenda EZiyonigebheri neEroti, pamahombekombe egungwa panyika yaEdhomu.18Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenda* mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.