1Asi ndakazvipira izvi mandiri kusauya kwamuri nekushungurudza.2Nekuti kana ndichikushungurudzai, ndiani zvino uchandifadza, kunze kwaiye wakashungurudzwa neni?3Zvino ndakakunyorerai chinhu chakadai kuti zvimwe kana ndasvika, ndirege kushungurudzwa naivo vanofanira kundifadza; ndine chivimbo mamuri mose, kuti mufaro wangu ndewenyu mose.4Nekuti mudambudziko guru nekushungurudzika kwemoyo ndakakunyorerai nemisodzi mizhinji, kwete kuti murwadziswe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.5Zvino kana umwe akarwadzisa, haana kurwadzisa ini, asi muchidimbu (kuti ndirege kukuremedzai) mose.6Kuranga uku kwakakwanira wakadai ndiko kwevazhinji.7Kuti panzvimbo yaizvozvi zviri nani kuti mumukangamwire nokunyaradza, kuti wakadaro arege kuodzwa moyo kwazvo neshungu zvinji.8Naizvozvo ndinokukumbirisai kuti musimbise rudo kwaari.9Nekuti ndakanyorerawo izvi, kuti ndizive kuidzwa kwenyu kana muchiteerera pazvinhu zvose.10Zvino iye wamunokangamwira chinhu, neni ndinomukangamwira; nekuti kana ini ndichikangamwira chinhu, uyo wandinenge ndakakangamwira, ndinozviita nekuda kwenyu pamberi paKristu;11zvimwe Satani ungatora mukana wedu; nekuti hatizi vasingazivi mano ake.12Zvino ndakati ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Kristu,13handina kuwana zororo pamweya wangu, nekuti handina kuwana Tito hama yangu; asi ndakawonekana navo ndikabvapo ndikaenda Makedhonia.14Asi ngaavongwe Mwari, unotikundisa nguva dzose muna Kristu, uye unoratidza nesu kose-kose hwema hweruzivo rwake.15Nekuti tiri hwema hwunonhuwira hwaKristu kuna Mwari, pane ivo vanoponeswa nepane ivo vanoparara.16Kune vamwe hwema hworufu mukufa; nekune vamwe hwema hweupenyu muupenyu. Zvino ndiani ungakwanira zvinhu izvi?17Nekuti hatifanani nevazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi seveuchokwadi, uye sezvinobva kuna Mwari pachiso chaMwari tinotaura tiri muna Kristu.