Shona

2 Corinthians

1

1Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, kukereke yaMwari iri paKorinde, pamwe nevatsvene vose vari muAkaya yose:2Nyasha kwamuri nerugare runobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.3Ngaavongwe Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu Baba vetsitsi, uye Mwari wenyaradzo yose;4unotinyaradza padambudziko redu rose, kuti tigone kunyaradza avo vari mukutambudzika kupi nekupi, nenyaradzo yatinonyaradzwa nayo tomene naMwari;5nekuti matambudziko aKristu sezvaakawedzerwa matiri, saizvozvovo nyaradzo yeduwo yakawedzerwa naKristu.6Zvino kunyange tichirwadziwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu zvinobudirira mukutsungirira mumatambudziko mamwewo atakatambudzikawo, kana kunyage tichinyaradzwa, ndezvenyaradzo neruponeso rwenyu.7Uye tariro yedu pamusoro penyu yakasimba, tichiziva kuti sezvamuri vagovani vematambudziko, saizvozvovo venyaradzo.8Nekuti hatidi kuti musaziva, hama, dambudziko redu rakatiwira paAsia, kuti takadzvanyiwa zvisingaverengeki kukunda simba redu, zvekuti takarasha tariro kunyange yeupenyu;9asi takanga tine mutongo werufu matiri, kuti tirege kuzvivimba, asi Mwari unomutsa vakafa;10wakatinunura parufu rukuru rwakadai, uye unonunura; watinovimba maari kuti uchatinunura;11nemwiwo muchitishandira pamwe nemukumbiro, kuti nekuda kwechipo pamusoro pedu nenzira yevanhu vazhinji, kuvonga kupiwe vazhinji vakatimiririra.12Nekuti kuzvikudza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti muumwe neuzvokwadi hwaMwari, kwete neuchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari, takazvibata panyika zvikuru maererano nemwi.13Nekuti hatinyori zvimwe zvinhu kwamuri, asi izvo zvamunoverenga nezvamunogamuchira; uye ndinovimba kuti muchazvigamuchira kusvika pakuguma;14sezvamakatigamuchirawo muchidimbu, kuti tiri rumbidzo yenyu, semwiwo vedu nezuva raIshe Jesu.15Zvino muchivimbo ichi, ndaishuva kutanga kuuya kwamuri kuti muve nenyasha dzechipiri;16nekupfuura nekwamuri ndichienda Makedhonia, nekudzoka kwamuri ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemwi kuJudhiya.17Naizvozvo ndichifunga saizvozvo, ndakaita nekusasimbisa moyo here, kana zvandinozvipira ndinozvipira zvinoenderana nenyama here? Kuti kwandiri zvive hongu, hongu; uye kwete, kwete?18Asi Mwari wakatendeka, kuti shoko redu kwamuri harina kuva hongu nakwete.19Nekuti Mwanakomana waMwari Jesu Kristu uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu, neni naSirivhano naTimotio, wakange asiri hongu nakwete, asi maari maiva hongu.20Nekuti zvose zvipikirwa zvaMwari, nemaari ndihongu; nemaari ndiAmeni, kuti Mwari akudzwe kubudikidzwa nesu.21Zvino unotisimbisa pamwe nemwi muna Kristu nekutizodza ndiMwari,22wakatiisawo mucherechedzo, akapa rubatso rweMweya mumoyo yedu.23Asi ini ndinodana Mwari kuti ave chapupu pamweya wangu, kuti ndikuregererei handina kuzouya Korinde.24Hazvirevi kuti tinotonga pamusoro perutendo rwenyu, asi tiri vabatsiri vemufaro wenyu; nekuti mumire nerutendo.