Shona

1 Corinthians

16

1Zvino, maererano nezvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke dzeGaratia, imwiwo itai seizvozvo.2nemusi wekutanga woga woga wevhiki, umwe neumwe wenyu ngaazvichengetere parutivi pakubudirira kwaakaita, kuti kurege kuva nekuunganidza kana ndichisvika.3Uye kana ndasvika, chero vamunotenda ndichavatuma netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu.4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vachaenda neni.5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nekuti ndinogura neMakedhonia;6uye zvimwe ndichagara nemwi, kunyange kupedza chando, kuti mugondiperekedza parwendo rwangu pose pandinoenda.7Nekuti handishuvi kukuonai zvino ndiri parwendo; nekuti ndinovimba ndichambozogara nemwi, kana Ishe achinditendera.8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekosita*.9Nekuti ndazarurirwa mukova mukuru unobudirira; navapikisi vazhinji varipo.10Zvino kana Timotio achisvika, onai kuti unemwi asingatyi; nekuti unobata basa raIshe seniwo.11Naizvozvo ngakurege kuva nemunhu unomuzvidza. Asi mumuperekedze murugare, kuti auye kwandiri; nekuti ndakamutarisira pamwe nehama.12Zvino maererano naAporo hama yedu, ndakamukumbira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe nehama; asi chishuwo chake chakange chisiri chekuuya kwamuri ikozvino, asi uchauya hake kana awana nguva yakafanira.13Rindai, mirai nesimba murutendo, itai sevarume, musimbe.14Zvinhu zvenyu zvose ngazviitwe nerudo.15Ndinokukumbirisai hama, munoziva mhuri yaSitefana, kuti ndicho chibereko chekutanga cheAkaya, uye vakazvipira kushandira vatsvene;16kuti nemwi muzviise pasi pevakadaro, nekune vose vanotibatsira nevanoshingaira.17Ndinofara nekuuya kwaSitefana naFochunato, naAkaiako, nekuti ivo vakazadzisa kutaira kwenyu.18Nekuti vakavandudza mweya wangu newenyu. Naizvozvo gamuchirai vakadaro.19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwe nekereke iri mumba mavo.20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.21Ndiko kukwazisa kwangu Pauro, neruoko rwangu.22Kana munhu asingadi Ishe Jesu Kristu, ngaave rushambwa. Uyai Ishe!23Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.24Rudo rwangu ngaruve nemwi mose muna Kristu Jesu. Ameni.