1Pamusoro pazvo, hama, ndinokuzivisai evhangeri yandakakuparidzirai, yamagamuchirawo, neyamumire mairi;2iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchibatisisa manzwi eevhangeri andakaparidza kwamuri, kunze kwekuti makatenda pasina.3Nekuti ndakakumikidza kwamuri pakutanga izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, zvichienderana nemagwaro;4uye kuti wakavigwa, uye kuti wakamutswa zuva retatu, zvichienderana nemagwaro;5uye kuti wakaonekwa kuna Kefasi, pashure kune vanegumi nevaviri;6shure kweizvozvo wakaonekwa kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe, vazhinji vavo vachiripo kusvikira zvino, asi vamwe varara;7shure kweizvozvo wakaonekwa kuna Jakobho; ipapo kuvaapositori vose.8Uye pakupedzisira akaonekwa neniwo, sekune wakazvarwa nguva isina kufanira.9Nekuti ini ndiri mudukusa wevaapositori, zvekuti handifaniri kunzi muapositori, nekuti ndakashusha kereke yaMwari.10Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye nyasha dzake dziri kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakabata zvikuru kupfuura vose; zvakadaro handisi ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni.11Naizvozvo, kana ndiri ini kana ivo, saizvozvo tinoparidza uye saizvozvo makatenda.12Zvino kana Kristu achiparidzwa kuti wakamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva sei kuti hakuna kumuka kwevakafa?13Asi dai pasina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswa;14uye kana Kristu asina kumutswa, naizvozvo kuparidza kwedu hakuna maturo, nerutendo rwenyuwo harwuna maturo,15nesuwo tinowanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nekuti takapupura kuti Mwari wakamutsa Kristu iye waasina kumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi.16Nekuti kana vakafa vasingamutswi, Kristu haana kumutswawo;17uye kana Kristu asina kumutswa, rutendo rwenyu harwuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu.18Zvino naivo varere muna Kristu vaparara.19Kana tine tariro muna Kristu paupenyu hwuno chete, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.20Asi ikozvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chekutanga chevarere.21Nekuti nemunhu rufu rwakauya, uye nemunhu kumuka kwevakafa kwakauya.22Nekuti vose muna Adhamu sezvavanofa, saizvozvovo vose muna Kristu vachararamiswa.23Asi umwe neumwe padzoro rake; Kristu chibereko chekutanga, tevere avo vari vaKristu pakuuya kwake,24kozouya kuguma, paachazokumikidza umambo kuna Mwari, ivo Baba paachaparadza kutonga kose neushe hwose nesimba.25Nekuti unofanira kutonga, kusvikira aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.26Muvengi wokupedzisira uchaparadzwa rufu.27Nekuti wakaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake. Asi kana achiti zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake, zviri pachena kuti iye uri kunze kwazvo wakaisa zvinhu zvose pasi pake.28Zvino kana zvinhu zvose zvaiswa pasi pake, ipapo neMwanakomanawo amene uchaiswa pasi paiye wakaisa zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvose kune zvose.29Zvikasadaro, avo vanobhabhatidzirwa vakafa vachaita sei kana vakafa vasingatongomutswi? vakagobhabhatidzirwa ivo vakafa nemhaka yei?30Nemhaka yeiko nesu tiri panjodzi nguva imwe neimwe?31Ndinofa zuva nezuva, ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu.32Kana ndakarwa nenzira yevanhu nezvikara paEfeso, zvinondibatsirei kana vakafa vasingamutswi? Ngatidye nekumwa, nekuti mangwana tinofa.33Musanyengerwa; kushamwaridzana nevakaipa kunoodza tsika dzakanaka.34Pengenukai kune zvakarurama uye musatadza, nekuti vamwe vane kusaziva Mwari; ndinotaura kuti munyare.35Asi mumwe ungati: Vakafa vachamutswa sei? Uye vachauya nemuviri wakaita sei?36Dununu, icho chaunodzvara hachiitwi chipenyu kunze kwekuti chafa;37uye icho chaunodzvara, haudzvari muviri uchavapo, asi tsanga isina chinhu, kana yemapfunde kana yezvimwe;38asi Mwari unoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo.39Nyama yose haisi nyama imwe; asi imwe nyama ndeyavanhu, imwe inyama yemhuka, imwe yehove, imwe yeshiri.40kune miviriwo yekudenga, nemiviri yenyika; asi kubwinya kweyekudenga ndekumwe, asi kweyenyika ndekumwewo.41Kumwe kubwinya ndekwezuva, asi kumwe kubwinya ndekwemwedzi, uye kumwe kubwinya ndekwenyeredzi, nekuti imwe nyeredzi inosiyana neimwe nyeredzi pakubwinya.42Kwakadarowo kumuka kwevakafa. Kunodzvarwa mukuora, kunomutswa mukusaora;43kunodzvarwa mukuzvidzwa, kunomutswa mukubwinya; kunodzvarwa muutera, kunomutswa musimba.44Kunodzvarwa kuri muviri wechisikigo, kunomutswa kuri muviri wemweya. kune muviri wechisikigo, uye kune muviri wemweya.45Zvakanyorwa saizvozvowo, zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa mweya mupenyu; Adhamu wokupedzisira mweya unoraramisa.46Asi zvekutanga hazvisi zvemweya asi zvechisikigo; tevere zvemweya.47Munhu wekutanga wakabva panyika, ndewevhu; munhu wechipiri ndiIshe wakabva kudenga.48Sewevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; uye sewekudenga, ndizvo zvakaitawo vekudenga.49Uye sezvatakanga tine chimiro chewevhu, tichavawo nechimiro chewekudenga.50Zvino ndinoreva izvi, hama, kuti nyama neropa hazvingagoni kugara nhaka yeushe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yekusaora.51Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;52nenguva dukuduku, mukuhwaira kweziso, pahwamanda yekupedzisira; nekuti hwamanda icharira, uye vakafa vachamutswa mukusaora; nesu tichashandurwa;53Nekuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusaora; nechichi chinofa chifuke kusafa.54Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora; nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo richaitika shoko rakanyorwa rinoti: Rufu rwakamedzwa mukukunda.55Rufu, rumborera rwako ruripi? Guva, kukunda kwako kuripi?56Rumborera rwerufu chivi, nesimba rechivi murairo.57Zvino ngaavongwe Mwari unotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.58Naizvozvo, hama dzangu dzinodikamwa, mirai makasimba, musingazungunuswi, muchigara muchiwedzerwa pabasa raIshe muchiziva kuti kubata kwenyu hakusi pasina muna Ishe.