1Teverai rudo; mushuve zvikuru zveMweya, asi zvikuru kuti muporofite.2Nekuti unotaura nerumwe rurimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nekuti hakuna unomunzwisisa; asi muMweya unotaura zvakavanzika.3Asi uyo unoporofita unotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo.4Unotaura nerurimi unozvivaka iye; asi unoporofita unovaka kereke.5Uye ndinoda kuti imwi mose mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nekuti unoporofita mukuru kune unotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kurudziro.6Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei kunze kwekuti ndichitaura nemwi mukuzarurirwa, kana muruzivo, kana mukuporofita, kana mudzidziso?7Uye kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikamwa seiko chinoridzwa nyere kana rudimbwa?8Nekuti kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani ungazvigadzira kundorwa?9Saizvozvowo imwi, kana musingatauri nerurimi mashoko akareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikamwa sei? Nekuti muchataura kumhepo.10Kune, kana zvingadaro, manzwi ane marudzi mazhinji panyika, hakuna rimwe rawo risingarevi chinhu.11Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava semunhu werumwe rurimi kune unotaura, neunotaura semunhu werumwe rurimi kwandiri.12Saizvozvo imwiwo, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai zvikuru kuti mupfuurise pakuvaka kereke.13Naizvozvo unotaura nerumwe rurimi ngaanyengetere kuti adudzire.14Nekuti kana ndichinyengetera nerumwe rurimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu dzinoshaiwa chibereko.15Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo.16Kana zvisakadaro, kana iwe uchivonga nemweya, ko uyo ugere pachigaro cheusina kudzidza uchati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura?17Nekuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haasimbiswi.18Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mose;19asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi.20Hama, musava vacheche pafungwa, asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru.21Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye nemimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havanganditeereri, ndizvo zvinoreva Ishe.22Saka ndimi ndedzechiratidzo kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chavasingatendi, asi chavanotenda.23Naizvozvo kana kereke yose yaungana panzvimbo imwe, vose vakataura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda havati munopenga here?24Asi kana vose vakaporofita, mumwe usingatendi kana usina kudzidza akapinda, uchatendiswa nevose, aongororwe nevose;25saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinozarurwa; saizvozvo uchawa nechiso achinamata Mwari, nokupupura kuti Mwari uri pakati penyu zvirokwazvo.26Zvino chii, hama? Poga poga pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane rumwe rurimi ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvose ngazviitirwe kuvaka.27Kana mumwe achitaura nerumwe rurimi, ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire.28Asi kana pasina unodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye nekuna Mwari.29Vaporofita ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavanzvere.30Asi kana zvakazarurirwa mumwe ugerepo, wekutanga ngaanyarare.31Nekuti mose mungaporofita muchiita umwe-umwe, kuti vose vadzidze, uye vose vakurudzirwe.32Nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita.33Nekuti Mwari haazi wenyonganyonga, asi werugare, sapakereke dzose dzevatsvene.34Vanhukadzi venyu ngavanyarare mudzikereke; nekuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo.35Kana vachida kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nekuti chinyadzo kuti vanhukadzi vataure mukereke.36Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri moga here?37Kana munhu achifunga kuti muporofita, kana wemweya, ngaatende kuti izvo zvandinokunyorerai murairo waIshe;38Asi kana munhu asingazivi, ngaave usingazivi.39Saka, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi.40Asi zinhu zvose ngazviitwe nemutowo wakafanira zvichitevedzana.