1Kunyange ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava sendarira inorira, kana chigwagwagwa chinongwerengwedza.2Kunyange ndine chiporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, neruzivo rwose; uye kunyange ndine rutendo rwose, zvekuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handisi chinhu.3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikapa muviri wangu kuti ndipiswe ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.4Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi,5harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo; harwugumbuswi nhando, harwunanzereri zvakaipa;6harwufari mukusarurama, asi rwunofara muchokwadi;7rwunotakura zvinhu zvose, rwunotenda zvinhu zvose, rwunotarisira zvinhu zvose, rwunotsungirira zvinhu zvose.8Rudo harwutongokundikani. Zvino kana zviri zviporofita, zvichakundikana; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana guri ruzivo, rwuchanyangariswa.9Nekuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu;10asi kana zvakazara zvasvika, izvo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo.11Pandakanga ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; zvino pandakava murume, ndakabvisa zveucheche.12Nekuti ikozvino tinoona nepachioni-oni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso zvakatarisana; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikamwa neniwo.13Ikozvino rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo.