Shona

1 Corinthians

12

1Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva.2Munoziva kuti maiva vahedheni, muchitungamirirwa kuzvifananidzo izvi mbeveve, sevanokwehwa.3Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu unotaura neMweya waMwari unoti: Jesu rushambwa; Uye hakuna munhu ungati: Jesu ndiIshe, kunze kwekuda kweMweya Mutsvene.4Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe.5Uye kune nzira dzakasiyana dzekushumira, asi Ishe mumwe.6Kuti marudzi amabasa akasiyana siyana, asi ndiMwari mumwe, iye unobata zvose mune vose.7Asi umwe neumwe unopiwa kuratidza kweMweya, kune zvinobatsira.8Nekuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo neMweya iwoyu,9nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune mumwe zvipo zvekuporesa neMweya iwoyu,10nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe kuporofita, nekune umwe kunzwisisa zvemweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi;11asi izvi zvose zvinoitwa neMweya iwoyu mumwe chete, unogovera umwe neumwe sezvaanoda.12Nekuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yose yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri umwe; wakadarowo Kristu.13Nekuti neMweya umwe isu tose takabhabhatidzirwa mumuviri umwe; kana vaJudha kana vaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; isu tose takamwiswa paMweya umwe.14Nekuti muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji.15Kana rutsoka rukati: Nekuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi, harwusi rwemuviri here,16Nenzeve kana ikati: Nekuti handisi ziso, handisi wemuviri; nekuda kwezvizvi haizi yemuviri here?17Dai muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wose waiva kunzwa, kunhuwidza kungadai kuripi?18Asi zvino Mwari wakagadza mutezo umwe neumwe pamuviri sezvaakada.19Asi kana yose yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi?20Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe.21Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe;22Asi zvikuru mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba, ndiyo inodikamwa;23naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka, kunaka kwakawedzerwa;24asi yedu yakanaka haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, achipa rukudzo rukuru kune iyo yaishayiwa,25kuti parege kuva nokupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana.26Kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwe nawo.27Zvino imwi muri muviri waKristu, nemutezo umwe neumwe.28Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana siyana.29Vose vaapositori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose mabasa esimba here?30Vose vane zvipo zvekuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?31Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye zvakadaro ndinokuratidzai nzira yakaisvonaka kupfuura dzose.