1Ivai vateveri vangu, seniwo ndiri waKristu.2Zvino ndinokurumbidzai hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvose, muchichengetedza zvimiso, sezvandakakumikidza kwamuri.3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro womukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.4Murume umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita ane musoro wakafukidzwa unozvidza musoro wake.5Asi mukadzi umwe neumwe unonyengetera kana kuporofita nemusoro usina kufukidzwa, unozvidza musoro wake; nekuti ndizvo zvimwe nokuveurwa.6Nekuti kana mukadzi asingafukidzwi ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kuti mukadzi agerwe kana kuveurwa, ngaafukidzwe.7Nekuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume.8Nekuti murume haabvi kumukadzi; asi mukadzi unobva kumurume;9kana murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi murume;10nekuda kweizvozvi mukadzi unofanira kuva nesimba pamusoro wake, nekuda kwevatumwa.11Kunyange zvakadaro murume haazi kunze kwemukadzi nemukadzi haazi kunze kwemurume muna Ishe.12Nekuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo unobva kumukadzi, asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari.13Zvienzanisei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa?14Kunyange chisikigo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari?15Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari; nekuti vhudzi rakapiwa kwaari chive chifukidzo.16Zvino kana mumwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange kereke dzaMwari.17Zvino mukuraira uku handirumbidzi, nekuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi zvakaipisisa.18Nekuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; pamwe ndinozvitenda.19Nekuti kupatsanuka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu.20Naizvozvo kana muchiungana panzvimbo imwe, uku hakusi kudya chirayiro chaIshe;21Nekuti pakudya umwe neumwe unotanga kutora chirayiro chake; uye umwe une nzara, uye umwe wakadhakwa.22Ko hamuna dzimba dzekudyira nekumwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidziyi.23Nekuti ini ndakagamuchira kuna Ishe ichowo chandakagamuchidza kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa,24zvino wakati avonga akamedura, akati: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.25Nenzira imwecheteyo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzose kana muchimwa mukundirangarira.26Nekuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nekumwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika.27Naizvozvo ani nani unodya chingwa ichi, kana kumwa mukombe waIshe zvisakafanira, uchava nemhosva yemuviri neropa raIshe.28Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvo ngaadye zvechingwa nekumwa zvemukombe.29Nekuti unodya nokumwa zvisakafanira, unozvidyira nekuzvimwira kutongwa zvaasingatsauri muviri waIshe.30Nemhaka iyi vazhinji pakati penyu indonda nevarwere, nevazhinji varere.31Nekuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa.32Zvino kana tichitongwa, tinorangwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika.33Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai.34Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Zvasara ndichazvigadzira kana ndichisvika.