Shona

1 Corinthians

10

1Pamusoro pazvo hama handidi kuti murege kuziva, kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore sei, uye vose vakayambuka nemugungwa,2uye vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa;3uye vose vakadya chikafu chimwe chemweya,4uye vose vakamwa zvimwiwa zvimwe zvemweya, nekuti vakamwa padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu.5Asi neruzhinji rwavo Mwari haana kufadzwa; nekuti vakaparadzwa murenje.6Zvino zvinhu izvi zvakava zvifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvinhu zvakaipa, sezvavakashuvawo.7Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekumwa, vakasimuka kutamba.8Uye ngatirege kuita upomhwe, sevamwe vavo vakaita upombwe, vakafa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu.9Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka.10Murege kun'un'una sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi.11Zvino zvinhu izvi zvose zvakavawira kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nekuguma kwenyika.12Naizvozvo unofunga kuti umire ngaachenjere, zvimwe ungawa.13Hakuna muidzo wakakubatai kunze kwewakajairika kuvanhu vose; asi Mwari wakatendeka, usingatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe nemuidzo uchaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura.14Naizvozvo, vadikamwa vangu, tizai kunamata zvifananidzo.15Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi zvisarudzirei zvandinotaura.16Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here?17Nekuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nekuti isu tose tinogovana chingwa chimwe.18Tarirai Israeri panyama; vanodya zvibayiro havasi ivo vanodyidzana nearitari here?19Zvino ndotii? Kuti chifananidzo chinhu here? kana chakabayirwa chifananidzo chinhu here?20Asi kuti zvinhu zvinobayirwa nevahedheni, vanozvibayira madhimoni kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni.21Hamungamwi mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamungagovani patafura yaIshe nepatafura yemadhimoni.22Ko tinozvimutsira godo Ishe here? Takasimba kumupfuura here?23Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvibatsiri. Zvinhu zvose zvinotenderwa kwandiri; asi zvinhu zvose hazvivaki.24Kusava neunozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe.25Idyai zvose zvinotengeswa pamisika yenyama musingabvunzi chinhu nekuda kwehana;26Nekuti nyika ndeyaIshe nekuzara kwayo.27Zvino kana mumwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, zvose zvinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana.28Asi kana mumwe akati kwamuri: Ichi chakabayirwa kuzvifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye nekuda kwehana; nekuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo.29Asi hana ndinoti, isati iri yako asi yeumwe; nekuti kusununguka kwangu kunoenzanisirwei nehana yeumwe?30Kana ini ndichidya ndichivonga, ndingagonyomberwei nekuda kwechinhu chandinovonga?31Naizvozvo kana muchidya kana kumwa kana chipi nechipi chamunoita, itai zvose kuti Mwari akudzwe.32Regai kugumbusa zvose kuvaJudha kana kuvaGiriki kana kukereke yaMwari.33Seniwo ndinofadza vose pazvose, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwavazhinji, kuti vaponeswe.