Shona

1 Corinthians

9

1Handizi muapositori here? Handizi wakasununguka here? Handina kuona Jesu Kristu Ishe wedu here? Imwi hamusi basa rangu muna Ishe here?2Kana ndisiri muapositori kuna vamwe, asi zviri pachena ndiri iye kwamuri; nekuti mucherechedzo wevuapositori hwangu ndimwi muna Ishe.3Kuzvidavirira kwangu kune vanondinzvera ndeuku.4Hatina simba here rekudya nekumwa?5Hatina simba rekutenderera nehamakadzi sevamwe vaapositori nevanin'ina vaIshe naKefasi here?6Kana ndini ndoga naBhanabhasi here tisina simba rekusabata basa?7Ndianiko wakambobudira hondo achizviripira mubairo? Ndiani unorima munda wemizambiringa akasadya zvibereko zvawo? Kana ndiani unofudza boka akasadya zvemukaka weboka?8Zvinhu izvi ndinozvitaura semunhu here? Ko murairo hautauriwo izvozvo here?9Nekuti zvakanyorwa mumurairo waMozisi kuti: Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo. Ko Mwari unehanya nenzombe here?10Kana unoreva zvirokwazvo nekuda kwedu here? Nekuti zvirokwazvo, zvakanyorwa nekuda kwedu, kuti uyo unorima unofanira kurima mutariro; neunopura mutariro unofanira kugoverwa mutariro yake.11Kana isu takadzvara kwamuri zvinhu zvemweya, chinhu chikuru here kana tichicheka zvinhu zvenyu zvenyama?12Kana vamwe vachigovana simba pamusoro penyu, zvikuru isu? Asi hatina kushandisa simba iri; asi tinoregera zvinhu zvose, kuti tirege kupa chipinganidzo kuevhangeri yaKristu.13Hamuzivi here kuti avo vanoshumira pazvinhu zvitsvene vanorarama nezvetembere? Uye avo vanorindira paaritari vanogovana nearitari here?14Saizvozvovo Ishe wakaraira kuti avo vanoparidza evhangeri, vararame neevhangeri.15Asi ini handina kushandisa chimwe chezvinhu izvi, kana kunyora zvinhu izvi kuti zviitwe saizvozvo kwandiri, nekuti zviri nani kwandiri kuti ndife, pakuti mumwe ashayise kuzvikudza kwangu maturo.16Nekuti kunyange ndichiparidza evhangeri, handina chandingazvikudza nacho, nekuti faniro yakatakudzwa pamusoro pangu; ndine nhamo kana ndisingaparidzi evhangeri.17Nekuti kana ndichiita chinhu ichi ndichida, ndine mubairo; asi kana ndisingadi, ndakapiwa utariri.18Zvino mubairo wangu chii? Kuti kana ndichiparidza evhangeri, ndiite kuti evhangeri yaKristu isabhadharwa, kuti ndirege kushandisa simba rangu zvakapfuurikidza muevhangeri.19Nekuti kunyange ndakasununguka kune vose, asi ndakazviita muranda kune vose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.20Uye kuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kune vari pasi pemurairo seuri pasi pemurairo, kuti ndiwane vari pasi pemurairo;21kune vasina murairo seusina murairo (ndisati ndiri usina murairo kuna Mwari, asi pasi pemurairo kuna Kristu), kuti ndiwane vasina murairo.22Kuna vasina simba ndakava seusina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvinhu zvose kune vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.23Uye izvi ndinoita nekuda kweevhangeri, kuti ndive mugovani pariri.24Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vose, asi umwe unowana mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.25Uye umwe neumwe unokwikwidza unozvidzora pazvinhu zvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu isingaori.26Naizvozvo ini ndinomhanya saizvozvo kwete seusina chokwadi, saizvozvo ndinorwa kwete seunorova mhepo;27asi ndinotsikirira muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe chero nenzira ipi kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva wakarashwa.