Shona

1 Corinthians

8

1Zvino pamusoro pezvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti tose tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunosimbisa.2Uye kana ani nani achifunga kuti unoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva.3Asi kana ani nani achida Mwari, ndiye unozikamwa naye.4Naizvozvo maererano nekudya zvinhu izvo zvakabayirwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachizi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe.5Nekuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji),6asi kwatiri kuna Mwari mumwe, Baba, kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye; naIshe umwe, Jesu Kristu; kwaari kunobva zvinhu zvose, nesu tiripo naye.7Asi ruzivo harwuko kwavari vose; nekuti vamwe vachine hana dzechifananidzo kusvikira zvino, vanodya sezvakabayirwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa.8Zvino chikafu hachingatiswededzi kuna Mwari; nekuti kunyange tichidya, hazvirevi kuti tine mubairo; uye kana tisingadyi, hazvirevi kuti tinorashikirwa.9Asi chenjerai, kuti kodzero yenyu iyi irege kuva chigumbuso kune avo vasina simba.10Nekuti kana mumwe achikuona iwe une ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yaiyeye usinesimba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabayirwa zvifananidzo here?11Uye kubudikidza neruzivo rwako hama iyo isina simba ichaparara, Kristu yaakafira.12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu.13Naizvozvo kana chikafu chichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.