1Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanakira munhu kuti arege kubata mukadzi.2Asi nekuda kweupombwe, murume umwe neumwe ngaave nemukadzi wake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake.3Murume ngaaripire mukadzi zvakamufanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume.4Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake, asi mukadzi.5Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusagona kwenyu kuzvidzora.6Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo.7Nekuti ndinoda kuti dai vanhu vose vava seni. Asi munhu umwe neumwe une chipo chake chinobva kuna Mwari, mumwe cherudzi urwu, mumwe cheurwo.8Asi ndinoti kune vasina kuwana nechirikadzi: Zviri nani kwavari kana vachigara seni.9Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nekuti zviri nani kuti vawane pakutsva.10Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini asi Ishe, kuti mukadzi arege kubva kumurume wake,11Asi kana iye achibva, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume wake, nemurume ngaarege kurasa mukadzi wake.12Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe, Kana hama ine mukadzi usingatendi, kana iye achida kugara naye, ngaarege kumurasa.13Nemukadzi une murume usingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya.14Nekuti murume usingatendi unoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi usingatendi unoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene.15Zvino kana usingatendi achizviparadzanisa, ngaaende. Hamarume kana hamakadzi haisungwi nezvakadaro; asi Mwari wakatidanira kurugare.16Nekuti unozivei iwe mukadzi, zvimwe uchaponesa murume wako? Kana iwe murume unozivei, zvimwe uchaponesa mukadzi wako?17Asi Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Ndizvo zvandinoraira pakereke dzose.18Kune mumwe here wakadamwa adzingiswa? Ngaarege kuzova usakadzingiswa. Kune umwe here wakadamwa asakadzingiswa, ngaaarege kudzingiswa.19Dzingiso hachizi chinhu, nekusadzingiswa hachizi chinhu, asi kuchengeta mirairo yaMwari.20Umwe neumwe ngaagare pakudamwa kwaakadamwa nako.21Wakadamwa uri muranda here? Usazvidya moyo nazvo; asi kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise.22Nekuti uyo wakadamwa muna Ishe, ari muranda, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadamwa akasununguka, muranda waKristu.23Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu.24Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pane izvozvo naMwari.25Zvino maererano nemhandara, handina murairo waIshe; asi ndinotema sewakawana tsitsi dzaIshe kuva wakatendeka.26Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti zvidai.27Wakabatanidzwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi.28Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana ichiwanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai.29Asi zvino izvi ndinozvitaura hama, kuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vane vakadzi vave sevasina;30nevanochema, sevasingachemi; nevanofara sevasingafari; nevanotenga sevasina chinhu;31nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi; nekuti chimiro chenyika ino chinopfuura.32Zvino ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Usina kuwana unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ungafadza Ishe sei;33asi wakawana, unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza mukadzi sei.34Pane musiyano pakati pemukadzi nemhandara. Usina kuwanikwa unofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvose pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa unofunganya zvinhu zvenyika, kuti ungafadza murume sei.35Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu asi kuti mufambe zvakafanira nekunamatira Ishe musingakanganiswi.36Asi kana mumwe achifunga kuti haazvibati zvakafanira kumhandara yake, iyo yakura, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawaniswe.37Asi unomira akasimba pamoyo pake, asingamanikidzwi chinhu, asi ane simba pamusoro pechido chake, akatema mumoyo make kuti uchachengeta mhandara yake unoita zvakanaka.38Naizvozvo uyo unowananisa unoita zvakanaka; asi usingawananisi unoita zvinopfuura.39Mukadzi wakasungwa nemurairo kana murume wake achingova mupenyu chete; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda; asi muna Ishe chete.40Asi unganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu uye ndinofungawo kuti neni ndine Mweya waMwari.